Johani 10:22-24
Johani 10:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando, uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni. VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”
Johani 10:22-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetemberi paJerusaremu; chaiva chando. Jesu akafamba mutemberi pabiravira raSoromoni. Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari, “Uchatinetsa kusvikira ripiko? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.”
Johani 10:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paiva pazuva rokurangarira zuva guru reChenura kuJerusaremu. Yaiva iri nguva yechando. Jesu aifamba zvake paTemberi muberere raSoromoni. Saka vaJudha vakamuunganira vakamuti, “Unoda kuti timirire kusvikira riniko? Kana uriwe Mesia tiudze pachena.”
Johani 10:22-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Yaiʋa ŋguʋa yomutambo wokuʋandudzwa kwetembere paJerusarema; caiʋa cando. Jesu akafamba mutembere paɓiraʋira raSoromoni. Ɀino ʋaJuda ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Ucatiʋetsa kuȿikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tiʋudze pacena.
Johani 10:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)