Johani 10:2-4
Johani 10:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai. Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze. Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.
Johani 10:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi anopinda nopamusuo, ndiye mufudzi wamakwai. Murindi womusuo anomuzarurira iye, makwai anonzwa izwi rake, anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze. Kana abudisa makwai ake ose, anoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva izwi rake.
Johani 10:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi anopinda napamusuo ndiye mufudzi wehwai. Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze. Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake.
Johani 10:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi unopinda nomukoʋa, ndiye mufudzi wamakwai. Murindi womukoʋa unomuzarurira iye, makwai anonzwa inzwi rake, unoɗana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze. Kana aɓuɗisa makwai ake ose, unoatuŋgamirira; makwai anomuteʋera, nokuti anoziʋa inzwi rake.
Johani 10:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)