Johani 10:1-42
Johani 10:1-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo. Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai. Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze. Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake. Asi haatongoteveri mutorwa; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.” Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza. Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai. Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro. Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara. “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira. Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai. “Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve. Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.” Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya. Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?” Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?” Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando, uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni. VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.” Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira, asi hamutendi nokuti hamusi makwai angu. Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu. Ini naBaba tiri vamwe.” VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake, asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?” Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.” Jesu akavapindura akati, “Ko, hazvina kunyorwa here muMurayiro wenyu, kuti ‘Ndakati muri vamwari’? Kana akavaidza ‘vamwari,’ avo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye Rugwaro harungaputswi, zvakadii kuno uyo akatsaurwa naBaba saiye wavo chaiye uye wavakatuma panyika? Seiko muchindipomera mhosva yokumhura, zvandati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’? Musanditenda kana ndisina kuita zvinoitwa naBaba vangu. Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.” Vakaedzazve kumubata, asi akavapunyuka. Ipapo Jesu akayambuka Jorodhani kunzvimbo yakanga ichibhabhatidzira Johani pamazuva okutanga. Akagara ikoko uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.” Uye panzvimbo iyo, vazhinji vakatenda kuna Jesu.
Johani 10:1-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo mudanga ramakwai, asi anokwira napamwe, imbavha negororo. Asi anopinda nopamusuo, ndiye mufudzi wamakwai. Murindi womusuo anomuzarurira iye, makwai anonzwa izwi rake, anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze. Kana abudisa makwai ake ose, anoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva izwi rake. Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi izwi ravaeni.” Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei. Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuo wamakwai. Vose vakanditangira kuuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. “Ndini musuo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro. Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda. “Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza; anotiza, zvaari muranda; haana hanya namakwai. Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini, Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva baba; ndinorashira makwai angu hupenyu hwangu. Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe. “Saka baba vanondida, nokuti ndinorasha upenyu hwangu, ndigohutorazve. Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa nababa vangu.” Ipapo kupesana kukamukazve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo. Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa, anopenga; munomuteerereiko?” Vamwe vakati, “Mashoko awa haati ari omunhu akabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?” Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetemberi paJerusaremu; chaiva chando. Jesu akafamba mutemberi pabiravira raSoromoni. Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari, “Uchatinetsa kusvikira ripiko? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.” Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurireni. Asi imi hamutendi, nokuti hamusi vamakwai angu. Makwai angu anonzwa izwi rangu; neni ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi; haangafi nokusingaperi, uye hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Zvandakapiwa nababa vangu zvikuru kuna zvose; hakuna munhu ungaabvuta muruoko rwababa vangu. “Ini nababa tiri vamwe.” Zvino vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake. Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kuna baba; munonditakira basa ripiko kuna iwaya?” VaJudha vakamupindura, vakati, “Hatikutakiri basa rakanaka; asi nokuti wamhura Mwari; uye, nokuti iwe munhu, unozviita Mwari.” Jesu akavapindura, akati, “Hazvina kunyorwa here mumurayiro wenyu, zvichinzi, ndakati, ‘Muri vamwari?’ “Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi); imi moti seiko kuna iye akaitwa mutsvene nababa, nokutumwa panyika, unomhura Mwari, zvandakati, ndiri Mwanakomana waMwari? Kana ndisingaiti mabasa ababa vangu, regai kunditenda ini; asi kana ndichiaita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa, mugoziva nokunzwisisa, kuti baba vari mandiri, neni ndiri muna baba.” Zvino vakatsvakazve kumubata, asi iye akapukunyuka pamaoko avo. Zvino akaendazve mhiri kwaJorodhani, paya paibhabhatidza Johani pakutanga; akagarapo. Vazhinji vakauya kwaari, vakati, “Johani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johani pamusoro pouyu ndezvechokwadi.” Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.
Johani 10:1-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo pedanga rehwai asi achikwira napamwe munhu iyeyo imbavha negororo. Asi anopinda napamusuo ndiye mufudzi wehwai. Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze. Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake. Mweni hadzimuteveri, asi dzinotomutiza nokuti hadzizivi izwi ravaenzi.” Jesu akavashandisira muenzaniso uyu, asi ivo havana kunzwisisa zvaaireva kwavari. Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri, “Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai. Vose vakanditangira dzaiva mbavha namakororo asi hwai hadzina kuvateerera. Ini ndini musuo. Anopinda napandiri achaponeswa; achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro. Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere. Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake. Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira. Anotiza nokuti muronzerwi chete uye haana hanya nehwai. Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai. Ndine dzimwe hwai dzisiri dzedanga rino ndinofanira kudziunzawo. Idzo dzichanzwawo izwi rangu saizvozvo kuchava nedanga rimwechete nomufudzi mumwechete. Baba vanondida pamusana pokuti ndinoparadza upenyu hwangu kuti ndizougamuchirazve. Hapana anonditorera, kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu. Ndinesimba rokuhuparadza uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare. Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.” Pakabva pamuka nharo pakati pavaJudha pamusana pamazwi aya. Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa uye anopenga sei muchimuteerera.” Vamwewo vakati, “Uku hakusi iko kutaura kwomunhu ane Mweya wakaipa. Mweya wakaipa ungazarure maziso ebofu here?” Paiva pazuva rokurangarira zuva guru reChenura kuJerusaremu. Yaiva iri nguva yechando. Jesu aifamba zvake paTemberi muberere raSoromoni. Saka vaJudha vakamuunganira vakamuti, “Unoda kuti timirire kusvikira riniko? Kana uriwe Mesia tiudze pachena.” Jesu akavapindura achiti, “Ndakakutaurirai asi hamutendi mabasa andinoita muzita raBaba vangu anondipupurira. Asi imi hamutendi nokuti hamusi hwai dzangu. Hwai dzangu dzinonzwa izwi rangu, uye ndinodziziva uyewo dzinonditevera. Iniwo ndinodzipa upenyu husingaperi, saizvozvo hadzimbofa dzakaparara. Hakuna angadzibvute mumaoko mangu. Baba vangu vakadzipa kwandiri vakuru kupinda ani zvake uye hapana anogona kudzibvuta mumaoko aBaba. Ini naBaba tiri mumwechete.” VaJudha vakatorazve matombo kuti vamutake nawo. Jesu akavapindura achiti, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka anobva kuna Baba; amunonditakira ndaapi ipapa?” VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa rakanaka asi kushonha Mwari nokuti iwe uri munhu kudai asi uri kuzviita Mwari.” Jesu akavapindura achiti, “Hazvina kunyorwa here mumutemo wenyu zvichinzi, ‘Ndakati muri vanamwari.’ Kana akavati ndavanamwari vaya vakavingwa nezwi raMwari. Saka Magwaro Matsvene haapikiswi. Zvino munoti uyo akaitwa mutsvene naBaba, akatumwa pasi pano, uri kushonha Mwari nokuti ndati ndiri Mwanakomana waMwari. Kana ndisiri kuita mabasa aBaba vangu regai zvenyu kunditenda. Asi kana ndichiaita kunyange zvenyu musingatendi mandiri tendai mabasa kuti muzive uye munzwisise kuti Baba vari mandiri uye kuti Ini ndiri muna Baba.” Vakaedzazve kumubata asi akapunyuka mumaoko avo. Akaendazve kumhiri kwaJorodhani paya paimboombekera Johani pakutanga, akambogarako. Vanhu vakawanda vakauya kwaari. Vakati, “Johani haana zvake kuita zvishamiso asi zvose zvakataurwa naJohani nezvomunhu uyu ndezvechokwadi.” Vazhinji vakabva vadavira maari ipapo.
Johani 10:1-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Usiŋgapindi nomukoʋa muɗaŋga ramakwai, asi unokwira nokumŋe, imbava negororo. Asi unopinda nomukoʋa, ndiye mufudzi wamakwai. Murindi womukoʋa unomuzarurira iye, makwai anonzwa inzwi rake, unoɗana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze. Kana aɓuɗisa makwai ake ose, unoatuŋgamirira; makwai anomuteʋera, nokuti anoziʋa inzwi rake. Asi mŋeni haaŋgatoŋgomuteʋeri, asi anomutiza; nokuti haaziʋi inzwi raʋaeni. Jesu akareʋa mufananidzo uyu kwaʋari, asi haʋana‐kunzwisisa, kuti ɀaakaʋataurira ndeɀei. Ɀino Jesu akati kwaʋari ɀe: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ndini mukoʋa wamakwai. Ʋose ʋakanditaŋgira kuʋuya, imbava namakororo, asi makwai haana‐kuʋanzwa. Ndini mukoʋa; kana munhu apinda neni, ucaponeswa, ucapinda, ucaɓuɗa, ucawana mafuro. Mbava inoŋgoʋuya, kuti iɓe nokuʋuraya nokuparadza. Ini ndakaʋuya, kuti aʋe noʋupenyu, ʋuye aʋe nobgakawanda. Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake ʋupenyu bgake. Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unoti kana aciʋona ɓere riciʋuya, unosiya makwai, ndokutiza; ɓere rinoabvuta, nokuaparadza; unotiza, ɀaari muranda; haanehanya namakwai. Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziʋa makwai aŋgu, namakwai aŋgu anondiziʋa ini, Ƃaɓa seɀaʋanondiziʋa, neni ndiciziʋa Ƃaɓa; ndinorashira makwai aŋgu ʋupenyu bgaŋgu. Namamŋe makwai ndinawo, asati ari eɗaŋga rino. Naiwo ndinofanira kuʋuya nawo ʋo, acanzwa inzwi raŋgu; ricaʋa ɓoka rimŋe, nomufudzi mumŋe. Saka Ƃaɓa ʋanondiɗa, nokuti ndinorasha ʋupenyu bgaŋgu, ndigobgutora ɀe. Hakunomunhu uŋganditorera ibgo; asi ndinobgurasha ndimene. Ndinesimba rokubgurasha, ʋuye ndinesimba rokubgutora ɀe. Uyu murairo ndakaupiwa naƂaɓa ʋaŋgu. Ipapo kupesana kukamuka ɀe pakati paʋaJuda pamsoro pamashoko iwayo. Ʋazhinji ʋaʋo ʋakati: Unomŋeya wakaipa, unopeŋga; munomuterereiko? Ʋamŋe ʋakati: Mashoko awa haati ari omunhu wakaɓatwa nomŋeya wakaipa; ko mŋeya wakaipa uŋgagona kuȿinudza meso amapofu here? Yaiʋa ŋguʋa yomutambo wokuʋandudzwa kwetembere paJerusarema; caiʋa cando. Jesu akafamba mutembere paɓiraʋira raSoromoni. Ɀino ʋaJuda ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Ucatiʋetsa kuȿikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tiʋudze pacena. Jesu akaʋapindura, akati: Ndakakuʋudzai, mukasatenda. Maɓasa andinoita nezita raƂaɓa, ndiwo anondipupurireni. Asi imi hamutendi, nokuti hamuzi ʋamakwai aŋgu. Makwai aŋgu anonzwa inzwi raŋgu; neni ndinoaziʋa, ʋuye anonditeʋera. Ndinoapa ʋupenyu bgusiŋgaperi; haaŋgafi nokusiŋgaperi, ʋuye hakunomunhu uŋgaabvuta muruʋoko rwaŋgu. Ɀandakapiwa naƂaɓa ʋaŋgu ɀikuru kuneɀose; hakunomunhu uŋgaabvuta muruʋoko rwaƂaɓa ʋaŋgu. Ini naƂaɓa tiri ʋamŋe. Ɀino ʋaJuda ʋakanoŋga ɀe mabge, kuti ʋamutake. Jesu akaʋapindura, akati: Ndakakuratidzai maɓasa mazhinji akanaka akabva kunaƂaɓa; munonditakira ɓasa ripiko kunaiwayo? ƲaJuda ʋakamupindura, ʋakati: Hatikutakiri ɓasa rakanaka; asi nokuti wamhura Mŋari; ʋuye, nokuti iwe munhu, unoɀiita Mŋari. Jesu akaʋapindura, akati: Haɀina‐kunyorwa here mumurairo wenyu, ɀicinzi: Ndakati: Muri ʋamŋari? Ɀino kana akaʋaidza ʋamŋari, iʋo shoko raMŋari rakaȿika kwaʋari, (Rugwaro haruŋgaputswi); imi moti seiko kunaiye wakaitwa mutȿene naƂaɓa, nokutumŋa panyika: Unomhura Mŋari, ɀandakati: Ndiri Mŋanakomana waMŋari? Kana ndisiŋgaiti maɓasa aƂaɓa ʋaŋgu, regai kunditenda ini; asi kana ndiciaita, kunyaŋge musiŋganditendi ini, tendai maɓasa, mugoziʋa nokuziʋisisa, kuti Ƃaɓa ʋari mandiri, neni ndiri munaƂaɓa. Ɀino ʋakatȿaka ɀe kumuɓata, asi iye wakapukunyuka pamaʋoko aʋo. Ɀino wakaenda ɀe mhiri kwaJoridani, paya paibapatidza Johane pakutaŋga; akagara’po. Ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Johane haana‐kuita ciratidzo, asi ɀose ɀakareʋa Johane pamsoro poyuyu ndeɀaɀokwaɗi. Ʋazhinji ʋakatenda kwaari ipapo.
Johani 10:1-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)