Johani 10:1-18
Johani 10:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo. Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai. Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze. Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake. Asi haatongoteveri mutorwa; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.” Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza. Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai. Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro. Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara. “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira. Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai. “Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve. Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
Johani 10:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo mudanga ramakwai, asi anokwira napamwe, imbavha negororo. Asi anopinda nopamusuo, ndiye mufudzi wamakwai. Murindi womusuo anomuzarurira iye, makwai anonzwa izwi rake, anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze. Kana abudisa makwai ake ose, anoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva izwi rake. Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi izwi ravaeni.” Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei. Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuo wamakwai. Vose vakanditangira kuuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. “Ndini musuo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro. Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda. “Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza; anotiza, zvaari muranda; haana hanya namakwai. Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini, Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva baba; ndinorashira makwai angu hupenyu hwangu. Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe. “Saka baba vanondida, nokuti ndinorasha upenyu hwangu, ndigohutorazve. Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa nababa vangu.”
Johani 10:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo pedanga rehwai asi achikwira napamwe munhu iyeyo imbavha negororo. Asi anopinda napamusuo ndiye mufudzi wehwai. Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze. Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake. Mweni hadzimuteveri, asi dzinotomutiza nokuti hadzizivi izwi ravaenzi.” Jesu akavashandisira muenzaniso uyu, asi ivo havana kunzwisisa zvaaireva kwavari. Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri, “Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai. Vose vakanditangira dzaiva mbavha namakororo asi hwai hadzina kuvateerera. Ini ndini musuo. Anopinda napandiri achaponeswa; achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro. Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere. Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake. Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira. Anotiza nokuti muronzerwi chete uye haana hanya nehwai. Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai. Ndine dzimwe hwai dzisiri dzedanga rino ndinofanira kudziunzawo. Idzo dzichanzwawo izwi rangu saizvozvo kuchava nedanga rimwechete nomufudzi mumwechete. Baba vanondida pamusana pokuti ndinoparadza upenyu hwangu kuti ndizougamuchirazve. Hapana anonditorera, kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu. Ndinesimba rokuhuparadza uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare. Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.”
Johani 10:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Usiŋgapindi nomukoʋa muɗaŋga ramakwai, asi unokwira nokumŋe, imbava negororo. Asi unopinda nomukoʋa, ndiye mufudzi wamakwai. Murindi womukoʋa unomuzarurira iye, makwai anonzwa inzwi rake, unoɗana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze. Kana aɓuɗisa makwai ake ose, unoatuŋgamirira; makwai anomuteʋera, nokuti anoziʋa inzwi rake. Asi mŋeni haaŋgatoŋgomuteʋeri, asi anomutiza; nokuti haaziʋi inzwi raʋaeni. Jesu akareʋa mufananidzo uyu kwaʋari, asi haʋana‐kunzwisisa, kuti ɀaakaʋataurira ndeɀei. Ɀino Jesu akati kwaʋari ɀe: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ndini mukoʋa wamakwai. Ʋose ʋakanditaŋgira kuʋuya, imbava namakororo, asi makwai haana‐kuʋanzwa. Ndini mukoʋa; kana munhu apinda neni, ucaponeswa, ucapinda, ucaɓuɗa, ucawana mafuro. Mbava inoŋgoʋuya, kuti iɓe nokuʋuraya nokuparadza. Ini ndakaʋuya, kuti aʋe noʋupenyu, ʋuye aʋe nobgakawanda. Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake ʋupenyu bgake. Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unoti kana aciʋona ɓere riciʋuya, unosiya makwai, ndokutiza; ɓere rinoabvuta, nokuaparadza; unotiza, ɀaari muranda; haanehanya namakwai. Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziʋa makwai aŋgu, namakwai aŋgu anondiziʋa ini, Ƃaɓa seɀaʋanondiziʋa, neni ndiciziʋa Ƃaɓa; ndinorashira makwai aŋgu ʋupenyu bgaŋgu. Namamŋe makwai ndinawo, asati ari eɗaŋga rino. Naiwo ndinofanira kuʋuya nawo ʋo, acanzwa inzwi raŋgu; ricaʋa ɓoka rimŋe, nomufudzi mumŋe. Saka Ƃaɓa ʋanondiɗa, nokuti ndinorasha ʋupenyu bgaŋgu, ndigobgutora ɀe. Hakunomunhu uŋganditorera ibgo; asi ndinobgurasha ndimene. Ndinesimba rokubgurasha, ʋuye ndinesimba rokubgutora ɀe. Uyu murairo ndakaupiwa naƂaɓa ʋaŋgu.
Johani 10:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)