Johani 1:6-9
Johani 1:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.
Johani 1:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kwakanga kune munhu akatumwa naMwari, zita rake rainzi Johani. Iye akauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. Uyu akanga asati ari icho chiedza, asi akatumwa kuti apupurire chiedza. Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika.
Johani 1:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakazova nomunhu akatumwa naMwari, zita rake ainzi Johani. Uyu akauya kuzopa uchapupu achipupurira chiedza, kuti vanhu vose vatende maari. Iye akanga asiri chiedza, asi akauya kuzopupurira chiedza achiti chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu wose, chiri kuuya pasi pano.
Johani 1:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kwakaŋga kunomunhu wakatumŋa naMŋari, zita rake rainzi Johane. Iye wakaʋuya kuzopupura, kuti apupurire ciedza, kuti ʋose ʋatende naye. Uyo wakaŋga asati ari ico ciedza, asi wakatumŋa kuti apupurire ciedza. Ici caiʋa ciedza caɀokwaɗi, cinovenekera munhu mumŋe nomumŋe, pakuȿika kwaco panyika.
Johani 1:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)