Johani 1:40-41
Johani 1:40-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Andirea mununʼuna waPetro, ndiye mumwe wavaviri vakanga vanzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye vakanga vatevera Jesu. Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu).
Johani 1:40-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johani, vakamutevera, waiva Andireya, munun'una waSimoni Petirosi. Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari, “Tawana Mesiasi” (ndokuti, “Kristu, kana zvichishandurwa.”)
Johani 1:40-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Andireya munun'una waSimoni Pita ndiye mumwe wavadzidzi vaviri vaya vakanzwa Johani achitaura vakamutevera. Akatanga kuwana Simoni akamuti, “Tawana Mesia zvinoreva kuti Kristu.”
Johani 1:40-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe waiʋaʋo ʋaʋiri, ʋakaŋga ʋanzwa Johane, ʋakamuteʋera, waiʋa Andreasi, munuŋuna waSimoni Petro. Iye akataŋga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana ɀicishandurwa).