Johani 1:29-34
Johani 1:29-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika! Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’ Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.” Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake. Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’ Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Johani 1:29-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika. Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Shure kwangu kunouya mumwe, akavapo mberi kwangu, nokuti akanditangira.’ Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi ndizvo zvandakauyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti aoneswe kuvaIsiraeri.” Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake. Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati kwandiri, ‘Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza noMweya Mutsvene.’ “Ini ndikaona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Johani 1:29-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari. Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ Ini ndakazviona uye ndinopupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.”
Johani 1:29-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Aʋa maŋgwana wakaʋona Jesu aciʋuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari, rinobvisa ɀiʋi ɀenyika. Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya murume, wakaʋa’po mberi kwaŋgu, nokuti wakanditaŋgira. Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi ndiɀo ɀandakaʋuyira, ndicibapatidza nemvura, kuti aʋoneswe kuʋaIsraeri. Johane akapupura, akati: Ndakaʋona Mŋeya aciɓuruka kuɗeŋga senjiʋa, akagara pamsoro pake. Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi wakandituma kubapatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoʋona Mŋeya aciɓuruka pamsoro pake, akagara pamsoro pake, ndiye unobapatidza noMŋeya Mutȿene. Ini ndikaʋona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mŋanakomana waMŋari.
Johani 1:29-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)