Johani 1:14-17
Johani 1:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi. Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ” Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.
Johani 1:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Izwi rakazova munhu, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwechete wababa, azere nenyasha nechokwadi. Johani akamupupurira, akadanidzira, achiti, “Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Uyo, anouya shure kwangu, akavapo mberi kwangu; nokuti akanditangira.’ ” Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa naMosesi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
Johani 1:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izwi akava munhu anenyama akagara pakati pedu azere nyasha nechokwadi. Takaona mbiri yake inokodzerana nomwana oga waBaba. 15 Johani akamupupurira akadaidzira achiti, “Uyu ndiye wandaiti, ‘Uyo achauya mushure mangu, mukuru kwandiri nokuti akavapo ndisati ndavapo.’ ” Kubva mumafashafasha enyasha dzake, takapiwa tose nyasha pamusoro pedzimwe nyasha. Mutemo wakapiwa nokuna Mosesi nyasha nechokwadi zvikauya nokuna Jesu Kristu.
Johani 1:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko rakazoʋa nyama, rikagara pakati peɗu, (tikaʋona kubginya kwake, kubginya sokwowakaɓerekwa mumŋe cete waƂaɓa), azere nenyasha neɀokwaɗi. Johane akamupupurira, akaɗanidzira, aciti: Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Uyo, unoʋuya shure kwaŋgu, wakaʋa’po mberi kwaŋgu; nokuti wakanditaŋgira. Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamsoro penyasha. Nokuti murairo wakapiwa naMosesi, nyasha neɀokwaɗi ɀakaʋuya naJesu Kristu.
Johani 1:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)