Johani 1:12-14
Johani 1:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari. Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
Johani 1:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi vose vakamugamuchira, akavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake; avo vasina kuberekwa neropa, kana nokuda kwenyama, kana nokuda kwomurume, asi naMwari. Izwi rakazova munhu, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwechete wababa, azere nenyasha nechokwadi.
Johani 1:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi vose vakamugamuchira vakatenda muzita rake akavapa simba rokuva vana vaMwari vasina kuberekwa nokuda kwoukama hweropa kana kuti nezvinodiwa nenyama. Kana nechido chomurume asi nokuda kwaMwari. Izwi akava munhu anenyama akagara pakati pedu azere nyasha nechokwadi. Takaona mbiri yake inokodzerana nomwana oga waBaba.
Johani 1:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋose ʋakamugamucira, wakaʋapa simba kuti ʋaʋe ʋana ʋaMŋari, iʋaʋo ʋanotenda kuzita rake; aʋo ʋasina‐kuɓerekwa neropa, kana nokuɗa kwenyama, kana nokuɗa kwomurume, asi naMŋari. Shoko rakazoʋa nyama, rikagara pakati peɗu, (tikaʋona kubginya kwake, kubginya sokwowakaɓerekwa mumŋe cete waƂaɓa), azere nenyasha neɀokwaɗi.
Johani 1:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)