Johani 1:1-12
Johani 1:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga. Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa. Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda. Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika. Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira. Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari
Johani 1:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakutanga Izwi rakanga riripo, Izwi rakanga riri kuna Mwari, Izwi rakanga riri Mwari. Irori pakutanga rakanga riri kuna Mwari. Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa. Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda. Kwakanga kune munhu akatumwa naMwari, zita rake rainzi Johani. Iye akauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. Uyu akanga asati ari icho chiedza, asi akatumwa kuti apupurire chiedza. Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika. Akanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. Akauya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira, akavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake
Johani 1:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakutanga Izwi akanga atovapo; Izwi iyeyo akanga ari pamwechete naMwari; Izwi akangawo ari Mwari. Kubvira pakutanga, iye akanga ari pamwechete naMwari. Zvinhu zvose zvakaitwa nemaari; hapana chisikwa chisina kusikwa naiye. Maari makanga muino upenyu; upenyu ihwohwo hwakanga huri chiedza chavanhu chiedza chinovhenekera murima uye rima harina kuchikurira. Kwakazova nomunhu akatumwa naMwari, zita rake ainzi Johani. Uyu akauya kuzopa uchapupu achipupurira chiedza, kuti vanhu vose vatende maari. Iye akanga asiri chiedza, asi akauya kuzopupurira chiedza achiti chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu wose, chiri kuuya pasi pano. 10 Iye akava pasi pano uye pasi pakasikwa nemaari asi pasi hapana kumuziva. Akauya kunyika yokwake vokwake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira vakatenda muzita rake akavapa simba rokuva vana vaMwari
Johani 1:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakutaŋga Shoko rakaŋga riri’po, Shoko rakaŋga riri kunaMŋari, Shoko rakaŋga riri Mŋari. Ireri pakutaŋga rakaŋga riri kunaMŋari. Ɀinhu ɀose ɀakaitwa naye; kunze kwake hakuna‐kuitwa kunyaŋge cinhu cimŋe cakaitwa. Ʋupenyu bgaiʋa maari; ʋupenyu bgaiʋa ciedza caʋanhu. Ciedza cinovenekera murima; asi rima harina‐kucikunda. Kwakaŋga kunomunhu wakatumŋa naMŋari, zita rake rainzi Johane. Iye wakaʋuya kuzopupura, kuti apupurire ciedza, kuti ʋose ʋatende naye. Uyo wakaŋga asati ari ico ciedza, asi wakatumŋa kuti apupurire ciedza. Ici caiʋa ciedza caɀokwaɗi, cinovenekera munhu mumŋe nomumŋe, pakuȿika kwaco panyika. Wakaŋga ari panyika, asi nyika haina‐kumuziʋa. Wakaʋuya kuneɀake, asi ʋanhu ʋake haʋana‐kumugamucira. Asi ʋose ʋakamugamucira, wakaʋapa simba kuti ʋaʋe ʋana ʋaMŋari, iʋaʋo ʋanotenda kuzita rake
Johani 1:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)