Jeremia 33:6-7
Jeremia 33:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka. Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva kuutapwa ndivavakezve sepakutanga.
Jeremia 33:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, ndichavavigira mufaro pamuviri nokupora, ini ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda. Ndichadzosa kutapwa kwaJudha nokutapwa kwaIsiraeri, ndichavavaka sapakutanga.
Jeremia 33:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chionai, ndichariwanisa utano nokuriporesa uye ndichavarapa ndichivaonesa kubudirira chaiko kwakanyanya nokuchengetedzeka. Ndichachinja utapwa hwevokwaJudha noutapwa hwevokwaIsiraeri, ndichavavaka kuti vaite sezvavaiva pakutanga.
Jeremia 33:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, ndicaʋaʋigira mufaro pamuʋiri nokupora, ini ndicaʋaporesa; ndicaʋaratidza rugare rwakawanda neɀokwaɗi yakawanda. Ndicadzosa kutapxa kwaJuda nokutapxa kwaIsraeri, ndicaʋaʋaka sapakutaŋga.
Jeremia 33:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)