Jeremia 29:12-14
Jeremia 29:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose. Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.”
Jeremia 29:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomwoyo wenyu wose. Ndichawanikwa nemi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakudzoseraizve kunzvimbo kwandakanga ndakutapisai.
Jeremia 29:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai. Muchanditsvaka mugondiwana kana manditsvaka nemwoyo wose. Muchandiwana ndizvo zviri kutaura Tenzi ndigokudzoserai makomborero enyu ndigokukokorodzai kumarudzi ose nokunzvimbo dzose kwandakudzingirai ndichikudzoserai kwandakambokubvisai pandakakuendesai kuutapwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Jeremia 29:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mucaɗana kwandiri, mucandonyeŋgetera kwandiri, neni ndicakunzwai. Mucanditȿaka, mukandiwana, kana mucinditȿaka nomŋoyo wenyu wose. Ndicawanikwa nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakudzosai pakutapxa kwenyu, nokukuʋuŋganidzai kumarudzi ose, nokunɀimbo dzose kwandakaŋga ndakudziŋgirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicakudzoserai ɀe kunɀimbo kwandakaŋga ndakutapisai.
Jeremia 29:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)