Jeremia 29:10-14
Jeremia 29:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti zvanzi naJehovha: “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino. Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose. Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.”
Jeremia 29:10-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti zvanzi naJehovha, “Kana makore makumi manomwe aperera Bhabhironi, ndichakushanyirai, nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino. Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro. Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomwoyo wenyu wose. Ndichawanikwa nemi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakudzoseraizve kunzvimbo kwandakanga ndakutapisai.
Jeremia 29:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nokuti zvanzi naTenzi, kana Bhabhironi yapedza makore makumi manomwe, ndichazokushanyirai ndigokuitirai zvandavimbisa ndigokudzoserai kunzvimbo ino, nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro. Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai. Muchanditsvaka mugondiwana kana manditsvaka nemwoyo wose. Muchandiwana ndizvo zviri kutaura Tenzi ndigokudzoserai makomborero enyu ndigokukokorodzai kumarudzi ose nokunzvimbo dzose kwandakudzingirai ndichikudzoserai kwandakambokubvisai pandakakuendesai kuutapwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Jeremia 29:10-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀanzi naJehova: Kana makore makumi manomŋe aperera Babironi, ndicakushanyirai, nokukusimbisirai shoko raŋgu rakanaka, ndicikudzoserai kunɀimbo ino. Nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzandinoraŋgarira pamsoro penyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndaŋgariro dzorugare, dzisati dziri dzeɀakaipa, kuti ndikupei mugumo unetariro. Mucaɗana kwandiri, mucandonyeŋgetera kwandiri, neni ndicakunzwai. Mucanditȿaka, mukandiwana, kana mucinditȿaka nomŋoyo wenyu wose. Ndicawanikwa nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakudzosai pakutapxa kwenyu, nokukuʋuŋganidzai kumarudzi ose, nokunɀimbo dzose kwandakaŋga ndakudziŋgirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicakudzoserai ɀe kunɀimbo kwandakaŋga ndakutapisai.
Jeremia 29:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)