Jeremia 29:10-12
Jeremia 29:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Nokuti zvanzi naTenzi, kana Bhabhironi yapedza makore makumi manomwe, ndichazokushanyirai ndigokuitirai zvandavimbisa ndigokudzoserai kunzvimbo ino, nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro. Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai.
Jeremia 29:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti zvanzi naJehovha: “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino. Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.
Jeremia 29:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti zvanzi naJehovha, “Kana makore makumi manomwe aperera Bhabhironi, ndichakushanyirai, nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino. Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro. Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.
Jeremia 29:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nokuti zvanzi naTenzi, kana Bhabhironi yapedza makore makumi manomwe, ndichazokushanyirai ndigokuitirai zvandavimbisa ndigokudzoserai kunzvimbo ino, nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro. Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai.
Jeremia 29:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀanzi naJehova: Kana makore makumi manomŋe aperera Babironi, ndicakushanyirai, nokukusimbisirai shoko raŋgu rakanaka, ndicikudzoserai kunɀimbo ino. Nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzandinoraŋgarira pamsoro penyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndaŋgariro dzorugare, dzisati dziri dzeɀakaipa, kuti ndikupei mugumo unetariro. Mucaɗana kwandiri, mucandonyeŋgetera kwandiri, neni ndicakunzwai.