Vatongi 8:22-24
Vatongi 8:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaIsraeri vakati kuna Gidheoni, “Titonge iwe, mwanakomana wako nomuzukuru wako nokuti wakatiponesa kubva muruoko rwavaMidhiani.” Asi Gidheoni akati kwavari, “Ini handingakutongei, uye mwanakomana wangu haangakutongei. Jehovha ndiye achakutongai.” Uye akati, “Ndine chikumbiro chimwe chete, chokuti mumwe nomumwe wenyu andipe mhete yomunzeve kubva pamugove wezvamakapamba.” (Yakanga iri tsika yavaIshumaeri yokushonga mhete dzegoridhe dzomunzeve.)
Vatongi 8:22-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino varume vaIsiraeri vakati kuna Gidheoni, “Mutibate ushe imi nomwanakomana wenyu, nomwanakomana womwanakomana wenyuwo, nokuti makatiponesa pamaoko avaMidhiani.” Gidheoni akati kwavari, “Ini handingakubatiyi ushe, kunyange mwanakomana wangu haangakubatiyi ushe; Jehovha ndiye uchakubatai.” Gidheoni akati kwavari, “Ndinoda kukumbira chinhu chimwe kwamuri: Mumwe nomumwe wenyu ngaandipe zvindori zvemhino zviri pakati pezvakapambwa zvake.” (Nokuti vakanga vane zvindori zvemhino zvendarama, nokuti vakanga vari vaIshimaeri.)
Vatongi 8:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Varume veIsiraeri vakataurira Gidheoni vachiti, “Zvamakatinunura mumaoko avaMidhiani dai mukachiva zvenyu mutongi wedu iyemi muchiteverwa nomwanakomana wenyu kwozouya muzukuru wenyu mukomana.” Asi Gidheoni akavati, “Ini handisi kuzova mutongi wenyu, mwanakomana wangu haasi kuzovawo mutongi wenyu, asi Tenzi ndiye achava mutongi wenyu.” Gidheoni akatiwo kwavari, “Chinhu chimwechete chandinokukumbirai ndechokuti mumwe nomumwe wenyu ngaandipe mhete dzomunzeve dziri muzvinhu zvaakapamba.” Akadaro nokuti vaiva nemhete dzendarama dzomunzeve, zvavakanga vari vechiIshimaeri.
Vatongi 8:22-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakati kunaGideoni: Mutiɓate ʋushe imi nomŋanakomana wenyu, nomŋanakomana womŋanakomana wenyu ʋo, nokuti makatiponesa pamaʋoko aʋaMidiani. Gideoni akati kwaʋari: Ini handiŋgakuɓatiyi ʋushe, kunyaŋge mŋanakomana waŋgu haaŋgakuɓatiyi ʋushe; Jehova ndiye ucakuɓatai. Gideoni akati kwaʋari: Ndinoɗa kukumbira cinhu cimŋe kwamuri: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaandipe ɀindori ɀemhino ɀiri pakati peɀakapambga ɀake. (Nokuti ʋakaŋga ʋaneɀindori ɀemhino ɀendarama, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaIshmaeri.)
Vatongi 8:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)