Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 7:2-8

Vatongi 7:2-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jehovha akati kuna Gidheoni, “Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti vaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, ‘Maoko edu ndiwo akatiponesa.’ Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, ‘Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGireadhi.’ ” Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi. Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, “Nazvino vanhu vachiri vazhinji, enda navo kumvura ndivaidzepo; zvino kana ndikati kwauri, ‘Uyu anofanira kuenda newe, ndiye uchaenda newe;’ asi kana ndikati kwauri, ‘Uyu haafaniri kuenda newe,’ iye haangaendi.” Ipapo akaenda navanhu kumvura; Jehovha akati kuna Gidheoni, “Mumwe nomumwe unokapa mvura norurimi sezvinokapa imbwa, unofanira kumuisa kurutivi ari oga; saizvozvowo mumwe nomumwe unopfugama pamabvi ake pakunwa.” Zvino vanhu vakanga vakapa, vachiisa maoko avo kumiromo, vakasvika varume vana mazana matatu; asi vamwe vose vakapfugama pamabvi avo pakunwa mvura. Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, “Ndichakuponesai navarume ava vana mazana matatu vakakapa mvura, nokuisa vaMidhiani muruoko rwako; vanhu vose ngavaende havo, mumwe nomumwe kutende rake.” Naizvozvo vanhu vakatora mbuva yavo mumaoko avo, nehwamanda dzavo; akaendisa vamwe varume vose vaIsiraeri, mumwe nomumwe kutende rake, asi wakasara navana mazana matatu; misasa yaMidhiani yakanga iri pasi pake mumupata.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 7

Vatongi 7:2-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jehova akati kunaGideoni: Ʋanhu ʋaunaʋo ʋakawandisa, kuti ndiise ʋaMidiani mumaʋoko aʋo; kuti ʋaIsraeri ʋarege kuɀikudza pamberi paŋgu, ʋaciti: Maʋoko eɗu ndiwo akatiponesa. Naiɀoɀo ɀino, enda undoparidza ʋanhu ʋaɀinzwe, uti: Aninani unotya, unoɗeɗera, ŋgaadzoke hake, abve pagomo reGireadi. Ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri ʋakadzoka, ʋakasara ʋaneɀuru ɀinegumi. Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Naɀino ʋanhu ʋaciri ʋazhinji; enda naʋo kumvura ndiʋaidze’po; ɀino kana ndikati kwauri: Uyu unofanira kuenda newe, ndiye ucaenda newe; asi kana ndikati kwauri: Uyu haafaniri kuenda newe, iye haaŋgaendi. Ipapo akaenda naʋanhu kumvura; Jehova akati kunaGideoni: Mumŋe nomumŋe unokapa mvura norurimi seɀinokapa imbga, unofanira kumuisa kurutiʋi ari oga; saiɀoɀo ʋo mumŋe nomumŋe unofugama pamabvi ake pakunwa. Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋakapa, ʋaciisa maʋoko aʋo kumiromo, ʋakaȿika ʋarume ʋanamazana matatu; asi ʋamŋe ʋose ʋakafugama pamabvi aʋo pakunwa mvura. Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Ndicakuponesai naʋarume aʋa ʋanamazana matatu ʋakakapa mvura, nokuisa ʋaMidiani muruʋoko rwako; ʋanhu ʋose ŋgaʋaende haʋo, mumŋe nomumŋe kutente rake. Naiɀoɀo ʋanhu ʋakatora mbuʋa yaʋo mumaʋoko aʋo, nehwamanda dzaʋo; akaendisa ʋamŋe ʋarume ʋose ʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe kutente rake, asi wakasara naʋanamazana matatu; misasa yaMidiani yakaŋga iri pasi pake mumupata.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 7