Vatongi 7:15-16
Vatongi 7:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gidheoni akati anzwa kurota uku nokududzirwa kwokurota kwacho, akanamata Mwari. Akadzoka kumusasa wavaIsraeri akadanidzira achiti, “Simukai! Jehovha aisa musasa wavaMidhiani mumaoko enyu.” Akakamura varume mazana matatu akavaisa mumapoka matatu, akaisa hwamanda nezvirongo zvisina chinhu, asi mwenje mukati, mumaoko avo.
Vatongi 7:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, “Simukai, nokuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu.” Zvino akakamura varume avo vana mazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumwe nomumwe hwamanda muruoko rwake, nezvirongo zvisine chiro, nezhenje mukati mezvirongo.
Vatongi 7:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gidheoni paakanzwa hope idzi nokududzirwa kwadzo akapfugama akanamata. Akadzokera kumatendhe avaIsiraeri akati, “Handei nokuti Tenzi atoisa hondo yavaMidhiani mumaoko enyu.” Akaisa mazana matatu aya avarume muzvikwata zvitatu. Akapa munhu wose hwamanda, nechirongo chisina chinhu, nemwenje muzvirongo.
Vatongi 7:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Gideoni wakati acinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokuɗudzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati: Simukai, nokuti Jehova wakaisa misasa yaMidiani mumaʋoko enyu. Ɀino akakamura ʋarume aʋo ʋanamazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumŋe nomumŋe hwamanda muruʋoko rwake, neɀiroŋgo ɀisineciro, nezhenje mukati meɀiroŋgo.
Vatongi 7:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)