Vatongi 6:15-16
Vatongi 6:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gidheoni akabvunza akati, “Asika Ishe, ndingaponesa Israeri seiko? Imba yangu ndiyo dukusa maManase, uye ini ndiri mudukusa mumhuri yangu.” Jehovha akapindura akati, “Ndichava newe, uye iwe uchauraya vaMidhiani vose pamwe chete.”
Vatongi 6:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kwaari, “Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Isiraeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu.” Jehovha akati kwaari, “Zvirokwazvo, ini ndichava newe, iwe uchakunda vaMidhiani somunhu mumwe.”
Vatongi 6:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.” Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.”
Vatongi 6:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kwaari: Haiwa, Ishe, ndicagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwaŋgu ruɗuku kunaʋose paManase, neni ndiri muɗuku kunaʋose paimba yaɓaɓa ʋaŋgu. Jehova akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ini ndicaʋa newe, iwe ucakunda ʋaMidiani somunhu mumŋe.
Vatongi 6:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)