Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 3:7-30

Vatongi 3:7-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

VaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha; vakakanganwa Jehovha Mwari wavo vakashumira vaBhaari navaAshera. Kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paIsraeri zvokuti akavatengesa mumaoko aKushani-Rishataimi mambo weAramu Naharaimu, avo vakashandirwa navaIsraeri kwamakore masere. Asi vakati vachema kuna Jehovha, akavamutsira musununguri, Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu, uyo akavaponesa. Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake kuti ave mutongi weIsraeri uye akaenda kuhondo. Jehovha akaisa Kushani-Rishataimi mambo wavaAramu mumaoko aOtinieri, akamukunda. Saka nyika yakava norugare kwamakore makumi mana, kusvikira Otinieri mwanakomana waKenazi afa. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye nokuda kwokuti vakaita zvakaipa izvi, Jehovha akapa simba kuna Egironi mambo weMoabhu kuti akunde Israeri. Egironi akatora vaAmoni navaAmareki kuti vaende naye kundorwisa Israeri, uye vakatora Guta reMichindwe kuti rive ravo. VaIsraeri vakava varanda vaEgironi mambo weMoabhu kwamakore gumi namasere. VaIsraeri vakachemazve kuna Jehovha, iye akavapa musununguri, Ehudhi murume aiva neziboshwe, mwanakomana waGera muBhenjamini. VaIsraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu. Zvino Ehudhi akanga aita munondo wakarodzwa kumativi ose uchikarosvika kubhiti rimwe chete pakureba kwawo waakanga akasungira pasi penguo dzake pachidya chake chokurudyi. Akapa mutero kuna Egironi mambo weMoabhu, murume akanga akafuta kwazvo. Mushure mokunge Ehudhi apa mutero, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero wacho vaende. Pazvifananidzo zvaiva pedyo neGirigari iye pachake akadzoka akati, “Ndine shoko renyu rakavanzika, imi mambo.” Mambo akati, “Nyararai!” uye varanda vake vose vakamusiya. Ipapo Ehudhi akaswedera kwaari iye agere ari oga muimba yake yapamusoro yomuzinda wake wenguva yezhizha akati, “Ndine shoko renyu rabva kuna Mwari,” Mambo akati achisimuka achibva pachigaro chake, Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo kubva pachidya chake chokurudyi akaunyudza mudumbu ramambo. Kunyange chibato chomunondo chakanyura chichitevera chese, ukandobuda nokumusana kwake. Ehudhi haana kuvhomora munondo, uye mafuta akaputira pamusoro pawo. Ipapo Ehudhi akabuda akaenda kubiravira; akapfiga mikova yeimba yapamusoro shure kwake akaikiya. Mushure mokuenda kwake, varanda vakasvika vakawana mikova yeimba yapamusoro yakiyiwa. Ivo vakati, “Anofanira kunge achimbozvizorodza zvake ari mukamuri romukati reimba.” Vakarindira kusvikira vanyadziswa nazvo asi paakarega kuzarura mikova yekamuri, vakatora kiyi vakaikiyinura. Onei ipapo ishe wavo akawira pasi, afa. Vachakamirira, Ehudhi akaenda. Akapfuura napazvifananidzo akapunyuka akaenda kuSeira. Akati asvika ikoko, akaridza hwamanda ari munyika yezvikomo yaEfuremu, uye vaIsraeri vakaburuka naye vachibva kuzvikomo, iye achivatungamirira. Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha aisa Moabhu muvengi wenyu, mumaoko enyu.” Saka vakaburuka vakamutevera, uye vakatora mazambuko eJorodhani okuenda kuMoabhu, vakasatendera munhu kuyambuka. Panguva iyoyo vakauraya zviuru zvinenge gumi zvavaMoabhu, vose vakanga vakagwinya uye vane simba; hapana akapunyuka. Zuva iroro Moabhu yakava pasi peIsraeri, uye nyika yakava norugare kwamakore makumi masere.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 3

Vatongi 3:7-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, vakashumira vaBhaari namatanda okunamata nawo. Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa muruoko rwaKushani-rishataimu, mambo weMesopotamia; vana vaIsiraeri vakashumira Kushani-rishataimi makore masere. Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akamutsira vana vaIsiraeri muponesi, wakavaponesa, iye Otinieri, mwanakomana waKenazi, mun'una waKarebhu. Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga vaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani-rishataimi. Ipapo nyika yakazorora makore ana makumi mana. Otinieri, mwanakomana waKenazi, akafa. Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akasimbisa Egironi, mambo waMoabhu, kuti arwe navaIsiraeri, nokuti vakanga vaita zvakaipa pamberi paJehovha. Akaunganidza kwaari vana vaAmoni navaAmareki, akandokunda vaIsiraeri, vakavatorera guta remichindwe. Vana vaIsiraeri vakashumira Egironi, mambo waMoabhu, makore ane gumi namasere. Asi vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akavamutsira muponesi, iye Ehudhi, mwanakomana waGera, muBhenjamini, munhu waiva neziboshwe; vana vaIsiraeri vakatumira Egironi, mambo waMoabhu, chipo naye. Zvino Ehudhi wakazviitira munondo wakanga wakarodzwa kunhivi dzose, wakanga wakasvika kubhiti rimwe pakureba kwavo; akausungira pasi penguo dzake pachidya chorudyi. Ipapo akandopa Egironi, mambo waMoabhu, chipo; Egironi wakanga ari munhu wakakora kwazvo. Zvino wakati apedza kumupa chipo, akaendisa vanhu vakanga vakatakura chipo. Asi iye amene wakadzoka pamifananidzo yakavezwa yamabwe paGirigari, akati, “Ndine shoko rakavanzika nemi mambo.” Iye akati, “Nyararai.” Ipapo vose vakanga vamire naye vakabva kwaari. Zvino Ehudhi akaswedera kwaari; iye wakanga agere ari oga muimba yake inotonhorera; Ehudhi akati, “Ndine shoko kwamuri rinobva kuna Mwari.” Iye ndokusimuka pachigaro chake. Ipapo Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo pachidya chake chorudyi, akamubaya nawo nomudumbu rake; chibato chikapindawo chichitevera chese, mafuta akadzivira pamusoro pechese, nokuti haana kuvhomora munondo mudumbu rake, mafuta akabuda. Zvino Ehudhi akabuda pabiravira, akapfiga mikova yeimba yokumusoro shure kwake, akaikiya. Wakati abuda, varanda vake vakasvika, vakawana mikova yeimba yokumusoro yakapfigwa; vakati, “Zvimwe unofukidza makumbo ake paimba yake inotonhorera.” Zvino vakamira kusvikira vapera mano, asi haana kuzarura mikova yeimba yokumusoro; ipapo vakatora kiyi, vakazarura mukova, vakawana ishe wavo akawira pasi, afa. Asi ivo vachanonoka, Ehudhi akapukunyuka, akapfuura mifananidzo yakavezwa yamabwe, akapukunyukira Seira. Wakati asvikapo, akaridza hwamanda panyika yamakomo yaEfuremu, vana vaIsiraeri vakaburuka naye panyika yamakomo, iye akavatungamirira. Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha wakaisa vaMoabhu, vavengi venyu, mumaoko enyu.” Vakaburuka vachimutevera, vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaMoabhu, vakasatendera munhu mumwe kuyambuka. Nenguva iyo vakauraya varume vaMoabhu vanenge zviuru zvine gumi, vose vari varume vane simba novoumhare, hakuna munhu mumwe wakapukunyuka. Naizvozvo vaMoabhu vakakundwa musi iwoyo noruoko rwavaIsiraeri, nyika ikazorora makore ana makumi masere.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 3

Vatongi 3:7-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo, vakanamata vanaBhaari naAsheroti. Naizvozvo hasha dzaTenzi dzakavirukira vaIsiraeri akabva avaisa mumaoko amambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia. VaIsiraeri vakapedza makore masere vachimushandira. VaIsiraeri vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mununuri akavaponesa, ainzi Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu. Mweya waTenzi wakauya paari akatonga Isiraeri. Akaenda kuhondo, Tenzi akaisa mumaoko ake mambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia akamukurira. Nyika ikabva yava norunyararo. Nyika yakabva yava norunyararo kwamakumi mana amakore, ndokubva Otinieri mwanakomana wavaKenazi azofawo zvake. VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi ndokupa Egironi mambo weMoabhu simba rokuvakurira nokuti vakanga vaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Akakoka vaAmoni navaAmareki akandorwisa vaIsiraeri, vakakurira guta remirara rikava ravo. VaIsiraeri vakapedza gumi ramakore rina makore masere vachishandira Egironi mambo weMoabhu. VaIsiraeri vakazochemazve kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mumwezve mununuri ainzi Ehudhi mwanakomana wavaGera wedzinza rokwaBhenjamini aiva namaboshwe. VaIsiraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu. Zvino Ehudhi uyu akazvigadzirira bakatwa rake, muchekakwose chaiwo rakanga rakareba masendimita makumi mashanu. Akaripfekera muhanzu dzake, kuchidya chake chokurudyi. Akasvitsa mutero iwoyu kuna Egironi mambo weMoabhu. Egironi uyu aiva rume dindimutibvu chairo kufuta. Ehudhi paakati pedzei kuturira mutero uya, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero iwoyu vachidzokera zvavo. Asi iye pachake akadzoka vava kuzvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya zvokuGirigari, akasvikoti, “Mambo wangu, ndine nyaya yandiri kuda kumbotaurawo zvangu nemi kazevezeve.” Mambo ndokuti, “Chimbonyararai.” Vose vaimushandira vakabva vabuda panze vachimusiya. Ehudhi aswedera kuna mambo, iye akanga agere zvake ari oga mumba yepanhurikidzwa yapamusoro inotonhorera. Ehudhi akati “Ndine shoko renyu rabva kuna Tenzi.” Mambo akasimuka muchigaro chake. Ehudhi akati we-e bakatwa rake noruboshwe kuchidya chokurudyi kuya ndokuti naro bhofo mudumbu ramambo. Rakabva rati bherevere zvose nomupakato waro. Mafuta akariti fushe fushe nokuti haana kuribvisa mudumbu make, tsvina ikabva yabuda. Ehudhi akati bwa kubuda muberere, zarirei misuo yemba yapanhurikidzwa yapamusoro iya ndokubva asiya ayikiya. Kuzoti aenda, varanda vakabva vasvikawo, vakaona misuo yemba yapamusoro yapanhurikidzwa iya yakakiyiwa vakati, “Zvimwe mambo anodaro achizvibatsira zvake mumba yake inotonhorera.” Vakamirira kusvikira zvava kutovashayisa mazano, asi paasina kuzarura misuo, vakazotora kiyi vakazarura misuo iya, onei tenzi wavo akati rabada pasi atofa. Ehudhi akapunyuka pavaingunomirira paya. Akapfuura pazvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya akatizira kuSeira. Paakasvika ikoko akaridza hwamanda munyika yaEfuraimu yamakomo. VaIsiraeri vakaburuka naye munyika yamakomo iyoyi iye achivatungamirira. Akavati, “Nditeverei. Tenzi atoisa vavengi venyu vaMoabhu mumaoko enyu.” Vakamutevera vakandogaririra kumazambuko aJorodhani okuenda kuMoabhu hapana wavaibvumira kuyambuka nepo. Panguva iyoyo vakauraya mikweshwa yavarume vechiMoabhu vanosvika zviuru gumi. Hakuna kana mumwechete akapunyuka. Nokudaro vaMoabhu vakakurirwa navaIsiraeri musi iwoyo. Nyika yakava norunyararo kwamakumi masere amakore.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 3

Vatongi 3:7-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakakaŋganwa Jehova Mŋari waʋo, ʋakashumira ʋaBaari namatanda okunamata nawo. Saka kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋaIsraeri, akaʋateŋgesa muruʋoko rwaKushani‐rishataimi, mambo weMesopotamia; ʋana ʋaIsraeri ʋakashumira Kushani‐rishataimi makore masere. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova, Jehova akamutsira ʋana ʋaIsraeri muponesi, wakaʋaponesa, iye Otnieri, mŋanakomana waKenazi, munuŋuna waKarebi. Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro pake, akatoŋga ʋaIsraeri; akandorwa, Jehova akaisa Kushani‐rishataimi, mambo weMesopotamia, muruʋoko rwake; ruʋoko rwake rukakunda Kushani‐rishataimi. Ipapo nyika yakazorora makore anamakumi manna. Otnieri, mŋanakomana waKenazi, akafa. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akasimbisa Egroni, mambo waMoabi, kuti arwe naʋaIsraeri, nokuti ʋakaŋga ʋaita ɀakaipa pamberi paJehova. Akaʋuŋganidza kwaari ʋana ʋaAmoni naʋaAmareki, akandokunda ʋaIsraeri, ʋakaʋatorera guta remicindwe. Ʋana ʋaIsraeri ʋakashumira Egroni, mambo waMoabi, makore anegumi namasere. Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova, Jehova akaʋamutsira muponesi, iye Ehudi, mŋanakomana waGera, muBenjamini, munhu waiʋa neziɓoshwe; ʋana ʋaIsraeri ʋakatumira Egroni, mambo waMoabi, cipo naye. Ɀino Ehudi wakaɀiitira munondo wakaŋga wakarodzwa kunhiʋi dzose, wakaŋga wakaȿika kubiti rimŋe pakureɓa kwawo; akausuŋgira pasi peŋguʋo dzake pacidɀa corudyi. Ipapo akandopa Egroni, mambo waMoabi, cipo; Egroni wakaŋga ari munhu wakakora kwaɀo. Ɀino wakati apedza kumupa cipo, akaendisa ʋanhu ʋakaŋga ʋakatakura cipo. Asi iye amene wakadzoka pamifananidzo yakaʋezwa yamabge paGirgari, akati: Ndineshoko rakaʋanzika nemi mambo. Iye akati: Nyararai. Ipapo ʋose ʋakaŋga ʋamire naye ʋakabva kwaari. Ɀino Ehudi akasweɗera kwaari; iye wakaŋga agere ari oga muimba yake inotonhorera; Ehudi akati: Ndineshoko kwamuri rinobva kunaMŋari. Iye ndokusimuka pacigaro cake. Ipapo Ehudi akatambanudza ruʋoko rwake rworuɓoshwe, akavomora munondo pacidɀa cake corudyi, akamuɓaya nawo nomuɗumbu rake; ciɓato cikapinda ʋo ciciteʋera cese, mafuta akadziʋira pamsoro pecese, nokuti haana‐kuvomora munondo muɗumbu rake, mafuta akaɓuɗa. Ɀino Ehudi akaɓuɗa paɓiraʋira, akapfiga mikoʋa yeimba yokumsoro shure kwake, akaikiya. Wakati aɓuɗa, ʋaranda ʋake ʋakaȿika, ʋakawana mikoʋa yeimba yokumsoro yakapfigwa; ʋakati: Ɀimŋe unofukidza makumbo ake paimba yake inotonhorera. Ɀino ʋakamira kuȿikira ʋapera mano, asi haana‐kuzarura mikoʋa yeimba yokumsoro; ipapo ʋakatora kiyi, ʋakazarura mukoʋa, ʋakawana ishe waʋo akawira pasi, afa. Asi iʋo ʋacanonoka, Ehudi akapukunyuka, akapfuʋura mifananidzo yakaʋezwa yamabge, akapukunyukira Seira. Wakati aȿika’po, akaridza hwamanda panyika yamakomo yaEfraimi, ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓuruka naye panyika yamakomo, iye akaʋatuŋgamirira. Akati kwaʋari: Nditeʋerei, nokuti Jehova wakaisa ʋaMoabi, ʋaʋeŋgi ʋenyu, mumaʋoko enyu. Ʋakaɓuruka ʋacimuteʋera, ʋakandogarira mazambuko aJoridani paiyambukira ʋaMoabi, ʋakasatendera munhu mumŋe kuyambuka. Neŋguʋa iyo ʋakaʋuraya ʋarume ʋaMoabi ʋaneŋge ɀuru ɀinegumi, ʋose ʋari ʋarume ʋanesimba noʋoʋumhare, hakunomunhu mumŋe wakapukunyuka. Naiɀoɀo ʋaMoabi ʋakakundwa musi iwoyo noruʋoko rwaʋaIsraeri, nyika ikazorora makore anamakumi masere.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 3

Vatongi 3:7-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)