Vatongi 3:7-11
Vatongi 3:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha; vakakanganwa Jehovha Mwari wavo vakashumira vaBhaari navaAshera. Kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paIsraeri zvokuti akavatengesa mumaoko aKushani-Rishataimi mambo weAramu Naharaimu, avo vakashandirwa navaIsraeri kwamakore masere. Asi vakati vachema kuna Jehovha, akavamutsira musununguri, Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu, uyo akavaponesa. Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake kuti ave mutongi weIsraeri uye akaenda kuhondo. Jehovha akaisa Kushani-Rishataimi mambo wavaAramu mumaoko aOtinieri, akamukunda. Saka nyika yakava norugare kwamakore makumi mana, kusvikira Otinieri mwanakomana waKenazi afa.
Vatongi 3:7-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, vakashumira vaBhaari namatanda okunamata nawo. Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa muruoko rwaKushani-rishataimu, mambo weMesopotamia; vana vaIsiraeri vakashumira Kushani-rishataimi makore masere. Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akamutsira vana vaIsiraeri muponesi, wakavaponesa, iye Otinieri, mwanakomana waKenazi, mun'una waKarebhu. Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga vaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani-rishataimi. Ipapo nyika yakazorora makore ana makumi mana. Otinieri, mwanakomana waKenazi, akafa.
Vatongi 3:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo, vakanamata vanaBhaari naAsheroti. Naizvozvo hasha dzaTenzi dzakavirukira vaIsiraeri akabva avaisa mumaoko amambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia. VaIsiraeri vakapedza makore masere vachimushandira. VaIsiraeri vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mununuri akavaponesa, ainzi Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu. Mweya waTenzi wakauya paari akatonga Isiraeri. Akaenda kuhondo, Tenzi akaisa mumaoko ake mambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia akamukurira. Nyika ikabva yava norunyararo. Nyika yakabva yava norunyararo kwamakumi mana amakore, ndokubva Otinieri mwanakomana wavaKenazi azofawo zvake.
Vatongi 3:7-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakakaŋganwa Jehova Mŋari waʋo, ʋakashumira ʋaBaari namatanda okunamata nawo. Saka kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋaIsraeri, akaʋateŋgesa muruʋoko rwaKushani‐rishataimi, mambo weMesopotamia; ʋana ʋaIsraeri ʋakashumira Kushani‐rishataimi makore masere. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova, Jehova akamutsira ʋana ʋaIsraeri muponesi, wakaʋaponesa, iye Otnieri, mŋanakomana waKenazi, munuŋuna waKarebi. Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro pake, akatoŋga ʋaIsraeri; akandorwa, Jehova akaisa Kushani‐rishataimi, mambo weMesopotamia, muruʋoko rwake; ruʋoko rwake rukakunda Kushani‐rishataimi. Ipapo nyika yakazorora makore anamakumi manna. Otnieri, mŋanakomana waKenazi, akafa.
Vatongi 3:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)