Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 2:1-15

Vatongi 2:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mutumwa waJehovha akakwidza achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi, uye imi musazoita sungano navanhu venyika ino, asi munofanira kuputsa aritari dzavo.’ Asi hamuna kunditeerera. Makaitireiko izvozvo? Naizvozvo zvino ndinokuudzai kuti handichazovadzingi pamberi penyu, vachava minzwa kumativi enyu uye vamwe vavo vachava musungo kwamuri.” Mutumwa waJehovha akati ataura zvinhu izvi kuvaIsraeri vose, vanhu vakachema kwazvo, uye vakatumidza nzvimbo iyo kuti Bhokimi. Ipapo, vakabayira zvipiriso kuna Jehovha. Shure kwokunge Joshua ati vaIsraeri vaende, vakaenda vakandotora nyika, mumwe nomumwe kunhaka yake. Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha. Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi rimwe chete. Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi. Mushure mokunge chizvarwa chake chose chasanganiswa namadzibaba acho, chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri chakamuka. Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari. Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vendudzi dzakanga dzakavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha, nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti. Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa. Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika kwavari. Vakanga vari munhamo huru.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 2

Vatongi 2:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, “Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, ‘Handingatongoputsi sungano yangu nemi nokusingaperi; nemi hamufaniri kuita sungano navanhu vagere panyika ino; munofanira kuputsa atari dzavo. Asi hamuna kuteerera izwi rangu; makaitireiko izvozvo?’ Saka ini ndakatiwo, ‘Handingavadzingi pamberi penyu; asi vachava seminzwa kunhivi dzenyu, navamwari vavo vachava zvisungo kwamuri.’ ” Zvino mutumwa waJehovha wakati ataura namashoko iwayo kuvana vaIsiraeri vose, vanhu vose vakachema kwazvo. Ipapo vakatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bhokimi, vakabayirapo Jehovha. Zvino Joshua wakati aendisa vanhu, vana vaIsiraeri vakaenda mumwe nomumwe kunhaka yake, kuti vagare panyika yavo. Vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vaona mabasa makuru akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha. Zvino Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha akafa, ava namakore ane zana negumi. Vakamuviga panyika yenhaka yake paTiminati-heresi, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi. Zvino vorudzi urwo rwose vakasanganiswa namadzibaba avo, rumwe rudzi rukamuka shure kwavo rwakanga rusingazivi Jehovha, kana basa raakaitira vaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira Bhaari; vakarasha Jehovha mwari wamadzibaba avo, wakanga avabudisa munyika yeIjipiti, vakatevera vamwe vamwari vavanhu vakanga vakavapoteredza, vakavapfugamira, vakatsamwisa Jehovha. Vakarasha Jehovha, vakashumira Bhaari neAshitaroti. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri, akavaisa mumaoko avaparadzi vakavaparadza, akavatengesa mumaoko avavengi vavo vakanga vakavapoteredza; naizvozvo vakanga vasingagoni kumira pamberi pavavengi vavo. Pose-pose pavaienda, ruoko rwaJehovha rwairwa navo nokuvaitira zvakaipa, sezvakanga zvataurwa naJehovha, uye sezvavakanga vapikirwa naJehovha; vakatambudzika kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 2

Vatongi 2:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mutumwa waTenzi akabva kuGirigari akakwidza kuBhokimu. Akati, “Ndakakubvisai kuIjipiti ndikauya nemi kunyika yandakatsidzira kupa kune madzibaba enyu. Ndakati, ‘Handimbozofi ndakatyora chitenderano changu nemi. Imiwo regai kuita chitenderano navanhu vomunyika ino. Munofanira kupwanya atari dzavo.’ Asi imi hamuna kuteerera zvandakareva. Ko ndochii ichochi chamaita? Zvino ini ndinoti, ‘Handichafanokudzingirai vanhu ivava, asi vachava vavengi venyu uye vamwari vavo vari chinhu chakakuteyai.’ ” Mutumwa waTenzi akati apedza kutaurira vaIsiraeri vose, vanhu vakaridza mhere kuchema. Vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Kuchema, vakabva vapira Tenzi zvibayiro ipapo. Joshuwa paakati vaIsiraeri vachienda zvavo, vakati ava kwavo ava kwavo vachienda kunyika dzavo dzenhaka kundodzitora vachidziita dzavo. Vanhu ivava vakanamata Tenzi panguva yose yakanga Joshuwa achiri mupenyu, nenguva yose yavakuru vakuru vakasiyiwa naJoshuwa variko vakanga vaona basa guru rose rakaitirwa vaIsiraeri naTenzi. Joshuwa mwanakomana waNunu muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore ana makore gumi. Vakamuviga munyika yake yenhaka kuTimunatiheresi kunyika yaEfuraimu yamakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi. Chizvarwa ichocho chose chakapera kufa, kukazomukawo chimwe chizvarwa mushure mavo chakanga chisingamboziva Tenzi kana basa raakanga aitira vaIsiraeri. VaIsiraeri vaiita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Vainamata vanaBhaari. Vaizvicheka ukama naTenzi Mwari wamadzibaba avo akavaburitsa kunyika yeIjipiti, voteveredzana zvavo navamwe vamwari vavanhu vakanga vari munharaunda yavo vachivapfugamira, vachivirutsa hasha dzaTenzi. Vakachekana ukama naTenzi vonamata vanaBhaari naAshitaroti. Saka hasha dzaTenzi dzaivirukira vaIsiraeri ovaisa mumaoko avapambi, vachivapamba, achivati kuche mumaoko avavengi vavo vomunharaunda yavo yose. Havaizogona kana kumirisana navavengi vavo. Nguva dzose dzavaiti vondorwa, Tenzi aitenge orwisana navo kuti zvivaipire, sokuyambira kwakanga kwaita Tenzi nokuvatsidzira kwaakanga aita. Zvose izvozvo zvaivatambudza kwazvo mumwoyo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 2

Vatongi 2:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mutumŋa waJehova wakabva Girgari, akaenda Bokimi, akati: Ndakakuɓuɗisai muEgipita, ndikakuȿitsai panyika yandakapikira madziɓaɓa enyu, ndikati: Handiŋgatoŋgoputsi suŋgano yaŋgu nemi nokusiŋgaperi; nemi hamufaniri kuita suŋgano naʋanhu ʋagere panyika ino; munofanira kuputsa artari dzaʋo. Asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu; makaitireiko iɀoɀo? Saka ini ndakati ʋo: Handiŋgaʋadziŋgi pamberi penyu; asi ʋacaʋa seminzwa kunhiʋi dzenyu, naʋamŋari ʋaʋo ʋacaʋa ɀisuŋgo kwamuri. Ɀino mutumŋa waJehova wakati ataura mashoko iwayo kuʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋanhu ʋose ʋakacema kwaɀo. Ipapo ʋakatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Bokimi, ʋakaɓayira’po Jehova. Ɀino Joshua wakati aendisa ʋanhu, ʋana ʋaIsraeri ʋakaenda mumŋe nomumŋe kunhaka yake, kuti ʋagare panyika yaʋo. Ʋanhu ʋakashumira Jehova mazuʋa ose aJoshua, namazuʋa ose aʋakuru ʋakaŋga ʋaciri ʋapenyu Joshua atofa, iʋo ʋakaŋga ʋaʋona maɓasa makuru akaŋga aitirwa ʋaIsraeri naJehova. Ɀino Joshua mŋanakomana waNuni, muranda waJehova akafa, aʋa namakore anezana negumi. Ʋakamuʋiga panyika yenhaka yake paTimnati‐heresi, panyika yamakomo yaEfraimi, necokumsoro kwegomo reGaashi. Ɀino ʋorudzi urwo rwose ʋakasoŋganiswa namadziɓaɓa aʋo, rumŋe rudzi rukamuka shure kwaʋo rwakaŋga rusiŋgaziʋi Jehova, kana ɓasa raakaitira ʋaIsraeri. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari; ʋakarasha Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaŋga aʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, ʋakaʋafugamira, ʋakatsamŋisa Jehova. Ʋakarasha Jehova, ʋakashumira Baari neAshtaroti. Kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri, akaʋaisa mumaʋoko aʋaparadzi ʋakaʋaparadza, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo. Pose‐pose paʋaienda, ruʋoko rwaJehova rwairwa naʋo nokuʋaitira ɀakaipa, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova, ʋuye seɀaʋakaŋga ʋapikirwa naJehova; ʋakatambudzika kwaɀo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 2

Vatongi 2:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)