Vatongi 14:1-7
Vatongi 14:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Samusoni akaburuka akaenda kuTimina akandoona ikoko mukadzi muduku wechiFiristia. Akati adzoka, akasvikoti kuna baba namai vake, “Ndaona mukadzi wechiFiristia muTimina; zvino nditorerei kuti ave mukadzi wangu.” Baba namai vake vakapindura vakati, “Hapana here mukadzi akakodzera pakati pehama dzako kana pakati pavanhu vokwedu vose? Ungaenda here kuvaFiristia vasina kudzingiswa kuti undotora mukadzi?” Asi Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye. Ndiye akanaka kwandiri.” (Vabereki vake vakanga vasingazivi kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha, akanga achitsvaka mukana wokurwa navaFiristia; nokuti nenguva iyo ndivo vakanga vachitonga vaIsraeri.) Samusoni akaburuka akaenda kuTimina pamwe chete nababa vake namai vake. Vakati vasvika kuminda yemizambiringa yeTimina, pakarepo shumba yakauya yakananga kwaari ichiomba. Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba zvokuti akabvambura shumba napakati namaoko ake kunge anobvambura mbudzana. Ipapo akaburuka akandotaura nomukadzi, uye aimuda.
Vatongi 14:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Samusoni wakaburukira Timuna, akaona paTimuna mukadzi pakati pavakunda vavaFirisitia. Akakwira akandoudza baba vake namai vake, akati, “Ndaona mukadzi paTimuna pakati pavakunda vavaFirisitia; naizvozvo zvino nditorerei iye, ave mukadzi wangu.” Ipapo baba vake namai vake vakati kwaari, “Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapano mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFirisitia vasina kudzingiswa?” Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwazvo.” Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti zvakanga zvichibva kuna Jehovha, nokuti wakanga achitsvaka mhaka yokurwa navaFirisitia. Zvino nenguva iyo vaFirisitia vakanga vakabata Isiraeri. Zvino Samusoni wakaburukira Timuna nababa vake namai vake, vakasvika paminda yemizambiringa paTimuna; onei mwana weshumba ukamuombera. Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana; zvino wakanga asina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake kana mai vake zvaakanga aita. Akaburuka, akandotaura nomukadzi, iye akafadza Samusoni kwazvo.
Vatongi 14:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Samusoni akaenda kuTimuna akaona mumwe musikana wechiFirisitia. Akadzoka kuna baba naamai vake ava kuti, “Ndakaona mumwe musikana wechiFirisitia kuTimuna. Zvino ndiroorereiwo musikana iyeyo.” Asi baba naamai vake vakati kwaari, “Ko washaya mukadzi wokuroora here pakati pehama dzako kana kuti parudzi rwedu rwose zvowoda kundoroora mukadzi kuvanhu vasina kudzingiswa, vaFirisitia?” Asi Samusoni akati kuna baba wake, “Ndiroorerei iyeyo chete, ndiye wandada.” Baba naamai vake vakanga vasiri kuziva kuti Tenzi ndiye aimuitisa izvozvo kuti pazova nechimwe chinokonzera kuti vaFirisitia varwiswe. Izvozvo vaFirisitia ndovaitonga vaIsiraeri. Samusoni akadzika kuTimuna pamwechete nababa naamai vake. Paakasvika kuminda yemigirepisi yokuTimuna, akavingwa neshumba ichirikuzvinzwa ichidzvova. Mweya waTenzi wakauya paari nesimba guru kwazvo akabva atsemura shumba yacho napakati kunge munhu ari kutsemura mbudzana chaiyo. Asi akanga asina chimwe chinhu mumaoko. Haana kutaurira baba kana amai vake zvaakanga aita. Samusoni akadzikako akandokurukurirana nomukadzi uya. Mukadzi uyu aidiwa naSamusoni.
Vatongi 14:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Samsoni wakaɓurukira Timna, akaʋona paTimna mukadzi pakati paʋakunda ʋaʋaFiristia. Akakwira akandoʋudza ɓaɓa ʋake namai ʋake, akati: Ndaʋona mukadzi paTimna pakati paʋakunda ʋaʋaFiristia; naiɀoɀo ɀino nditorerei iye, aʋe mukadzi waŋgu. Ipapo ɓaɓa ʋake namai ʋake ʋakati kwaari: Ko pakati paʋakunda ʋehama dzako, kana pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋose, hapanomukadzi here, ɀowoɗa‐kundoɀitorera mukadzi pakati paʋaFiristia ʋasina‐kudziŋgiswa? Samsoni akati kunaɓaɓa ʋake: Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwaɀo. Asi ɓaɓa ʋake namai ʋake haʋana‐kuziʋa kuti ɀakaŋga ɀicibva kunaJehova, nokuti wakaŋga acitȿaka mhaka yokurwa naʋaFiristia. Ɀino neŋguʋa iyo ʋaFiristia ʋakaŋga ʋakaɓata Israeri. Ɀino Samsoni wakaɓurukira Timna naɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakaȿika paminda yemizambiriŋga paTimna; ʋonei mŋana weshumba ukamuʋombera. Ipapo Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana; ɀino wakaŋga asinecinhu muruʋoko rwake; asi haana‐kuʋudza ɓaɓa ʋake kana mai ʋake ɀaakaŋga aita. Akaɓuruka, akandotaura nomukadzi, iye akafadza Samsoni kwaɀo.
Vatongi 14:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)