Jakobho 1:9-12
Jakobho 1:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa. Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango. Nokuti zuva rinobuda nokupisa kwakanyanya rigoomesa uswa; ruva rahwo rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake. Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.
Jakobho 1:9-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi hama iri muduku zvayo ngaafare nokukudzwa kwake; nomupfumi nokuninipiswa kwake, nokuti achapfuura seruva rouswa. Nokuti zuva rinobuda pamwechete nemhepo inopisa, ndokuomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwahwo kwakanga kwaonekwa kunopera; saizvozvowo mupfumi achasvava panzira dzake. Akaropafadzwa munhu uyo anotsunga mwoyo pakuedzwa; nokuti kana atendwa, achapiwa korona yohupenyu yakapikirwa avo vanomuda.
Jakobho 1:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana hama mutendi, munhuwo zvake, akasimudzirwa pamusoro ngaafare ndizvozvowo nomupfumi kana akaninipiswa nokuti achapfuurawo seruva romusango. Sezvinongoita zuva kubuda nokupisa kwaro richiunisa uswa, neruva rahwo richikuhumuka norunako rwaro rwuchiparara ndozvichaita mupfumi kuparara mukati mebasa rake. Akakombererwa zvake munhu anotirira chiedzo nokuti kana achinge akunda chiedzo anowana ngundu youpenyu yakatsidzirwa naMwari kuna vanomuda.
Jakobho 1:9-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi hama iri muɗuku ŋgaafare nokukudzwa kwake; nomufumi nokuninipiswa kwake, nokuti ucapfuʋura seruʋa roʋuswa. Nokuti zuʋa rinoɓuɗa pamŋe cete nemhepo inopisa, ndokuwomesa ʋuswa; ruʋa rabgo rinowira pasi, nokunaka kwabgo kwakanga kwaʋonekwa kunopera; saiɀoɀo ʋo mufumi ucaȿaʋa panzira dzake. Wakaropafadzwa munhu uyo unotsuŋga mŋoyo pakuidzwa; nokuti kana atendwa, ucapiwa korona yoʋupenyu yakapikirwa aʋo ʋanomuɗa.
Jakobho 1:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)