Jakobho 1:6-8
Jakobho 1:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She; munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.
Jakobho 1:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu anonyunyuta akaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswamutswa. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achazowana chinhu kuna Ishe; munhu, ane mwoyo miviri, anoshandukashanduka panzira dzake dzose.
Jakobho 1:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi ngaakumbire nechitendero asingakahadziki, nokuti munhu anokahadzika akafanana namasaisai egungwa anopeperetswa achiitwa suku nasai nemhepo. Munhu akadaro ngaarege kufunga kuti achawana chinhu chinobva kunaTenzi, nokuti munhu ane pfungwa mbiri, asina pake muna zvose zvaanoita.
Jakobho 1:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ŋgaakumbire nokutenda, asiŋganyunyuti napaɗuku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefuŋgu reguŋgwa rinosundwa nemhepo ricimutswa‐mutswa. Munhu uyu ŋgaarege kufuŋga kuti ucazowana cinhu kunaShe; munhu, unemŋoyo miʋiri, unoshanduka‐shanduka panzira dzake dzose.
Jakobho 1:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)