Jakobho 1:23-25
Jakobho 1:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei. Asi munhu anonyatsotarisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita.
Jakobho 1:23-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, akafanana nomunhu anoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni. Nokuti anozviona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti akadini iye. Asi munhu anocherekedza murayiro wakakwana, iwo murayiro wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, anokanganwa, asi muiti webasa, iye acharopafadzwa pane zvaanoita.
Jakobho 1:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti kana munhu achingova munzwi bedzi weshoko, asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira huso hwake hwaakaberekwa nahwo muchiringiriro; nokuti anozviongorora zvake oenda asi obva akanganwa zvaari. Asi uyo anotarisa mumutemo uzere worusununguko oramba achingoshingirira asiri munhu anongonzwa chete achizokanganwa asi muiti webasa; achakomborerwa mune zvaanoita.
Jakobho 1:23-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoʋona ciso cake, caakaɓerekwa naco, muciʋoniʋoni. Nokuti unoɀiʋona, ndokuenda, ndokukaŋganwa pakarepo kuti wakaɗini iye. Asi munhu unocerekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunuŋgurwa, akaramba aciɗaro, asati ari munzwi, unokaŋganwa, asi muiti weɓasa, iye ucaropafadzwa paneɀaanoita.
Jakobho 1:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)