Jakobho 1:19-27
Jakobho 1:19-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari. Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai. Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva. Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei. Asi munhu anonyatsotarisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita. Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo. Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.
Jakobho 1:19-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa; nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari. Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomwoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu. Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera. Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, akafanana nomunhu anoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni. Nokuti anozviona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti akadini iye. Asi munhu anocherekedza murayiro wakakwana, iwo murayiro wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, anokanganwa, asi muiti webasa, iye acharopafadzwa pane zvaanoita. Kana munhu achiti ndinonamata Mwari, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera mwoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakuna maturo. Kunamata, kwakarurama, kusina mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.
Jakobho 1:19-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zivai izvi hama dzangu dzadiwa zvokuti munhu wose ngaakurumidze zvake kunzwa asi ave anononoka kutaura uye ave anonoka kushatirwa nokuti kushatirwa kwomunhu hakubatsiri kuti mugariro wohumwari wakarurama uitwe. Naizvozvo bvisai zvetsvina zvose nezvakawandawanda zvakaipa mugamuchire makazvidukupisa shoko rakadyarwa mamuri rinokwanisa kuponesa mweya yenyu. Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza nokuti kana munhu achingova munzwi bedzi weshoko, asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira huso hwake hwaakaberekwa nahwo muchiringiriro; nokuti anozviongorora zvake oenda asi obva akanganwa zvaari. Asi uyo anotarisa mumutemo uzere worusununguko oramba achingoshingirira asiri munhu anongonzwa chete achizokanganwa asi muiti webasa; achakomborerwa mune zvaanoita. Kana munhu achizviona somunamati asingadzori rurimi rwake asi iye mumwoyo make achizvinyengedza, unamati hwomunhu iyeyo hauna maturo. Unamati hwakanyatsoti tsvikiti husina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba, ndohuhu: kushanyira nherera nechirikadzi munhamo dzadzo uye kuzvibata usingasvibiswi nenyika.
Jakobho 1:19-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munoɀiziʋa henyu iɀoɀi, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. Asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamŋa; nokuti kutsamŋa kwomunhu hakuiti kururama kwaMŋari. Saka bvisai tȿina yose nokuipa kwakawanda, mugamucire nomŋoyo munyoro shoko rakasimŋa mukati menyu, rinogona kuponesa mŋeya yenyu. Asi iʋai ʋaiti ʋeshoko, musaʋa ʋanzwi ʋoga, muciɀinyeŋgera. Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoʋona ciso cake, caakaɓerekwa naco, muciʋoniʋoni. Nokuti unoɀiʋona, ndokuenda, ndokukaŋganwa pakarepo kuti wakaɗini iye. Asi munhu unocerekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunuŋgurwa, akaramba aciɗaro, asati ari munzwi, unokaŋganwa, asi muiti weɓasa, iye ucaropafadzwa paneɀaanoita. Kana munhu aciti ndinonamata Mŋari, asiŋgadzori rurimi rwake, asi acinyeŋgera mŋoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo. Kunamata, kwakarurama, kusinemhoȿa pamberi paMŋari weɗu naƂaɓa, ndiko kufambira nherera necirikadzi pakutambudzika kwaʋo, nokuɀiceŋgeta, kuti arege kuȿiɓiswa nenyika.
Jakobho 1:19-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)