Jakobho 1:12-15
Jakobho 1:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda. Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa. Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu.
Jakobho 1:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akaropafadzwa munhu uyo anotsunga mwoyo pakuedzwa; nokuti kana atendwa, achapiwa korona yohupenyu yakapikirwa avo vanomuda. Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu. Asi munhu mumwe nomumwe anoedzwa kana achikwewa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.
Jakobho 1:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akakombererwa zvake munhu anotirira chiedzo nokuti kana achinge akunda chiedzo anowana ngundu youpenyu yakatsidzirwa naMwari kuna vanomuda. Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo. Asi munhu wose anoedzwa kana achitorwa mwoyo nokufurirwa noruchiva rwake. Kana ruchiva rwabata runobereka chitadzo. Kana chitadzo chadzika midzi chinounza rufu.
Jakobho 1:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaropafadzwa munhu uyo unotsuŋga mŋoyo pakuidzwa; nokuti kana atendwa, ucapiwa korona yoʋupenyu yakapikirwa aʋo ʋanomuɗa. Kana munhu aciidzwa, ŋgaarege kuti ndinoidzwa naMŋari; nokuti Mŋari haaŋgaidzwi neɀakaipa, naiye amene haaŋgaidzi munhu. Asi munhu mumŋe nomumŋe unoidzwa kana acikwebga nokuciʋa kwake acinyeŋgerwa. Ɀino kuciʋa, kana kwarema, kunoɀara ɀiʋi; neɀiʋi, kana ɀakura, ɀinoɓereka rufu.
Jakobho 1:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)