Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 1:1-27

Jakobho 1:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai. Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose, nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu. Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake. Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She; munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita. Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa. Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango. Nokuti zuva rinobuda nokupisa kwakanyanya rigoomesa uswa; ruva rahwo rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake. Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda. Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa. Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa. Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka. Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake. Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari. Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai. Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva. Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei. Asi munhu anonyatsotarisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita. Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo. Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jakobho 1

Jakobho 1:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi ane gumi namaviri akapararira: Farai! Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiedzo mizhinji; muchiziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu. Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake. Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu anonyunyuta akaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswamutswa. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achazowana chinhu kuna Ishe; munhu, ane mwoyo miviri, anoshandukashanduka panzira dzake dzose. Asi hama iri muduku zvayo ngaafare nokukudzwa kwake; nomupfumi nokuninipiswa kwake, nokuti achapfuura seruva rouswa. Nokuti zuva rinobuda pamwechete nemhepo inopisa, ndokuomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwahwo kwakanga kwaonekwa kunopera; saizvozvowo mupfumi achasvava panzira dzake. Akaropafadzwa munhu uyo anotsunga mwoyo pakuedzwa; nokuti kana atendwa, achapiwa korona yohupenyu yakapikirwa avo vanomuda. Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu. Asi munhu mumwe nomumwe anoedzwa kana achikwewa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa. Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kuna Baba vezviedza, uyo asina kupinduka kana mumvuri wokushanduka. Nokuda kwake akatibereka neshoko rechokwadi, kuti isu tiite sechibereko chokutanga chezvisikwa zvake. Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa; nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari. Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomwoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu. Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera. Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, akafanana nomunhu anoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni. Nokuti anozviona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti akadini iye. Asi munhu anocherekedza murayiro wakakwana, iwo murayiro wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, anokanganwa, asi muiti webasa, iye acharopafadzwa pane zvaanoita. Kana munhu achiti ndinonamata Mwari, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera mwoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakuna maturo. Kunamata, kwakarurama, kusina mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jakobho 1

Jakobho 1:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndini Jemusi muranda waMwari uye waTenzi Jesu Kristu. Ndinokunyorerai imi marudzi gumi namaviri akapararira ndichiti kwaziwai. Hama dzangu, onai sechinhu chinofadza pose pamunowirwa nemiedzo yakasiyana–siyana nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira. Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina. Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari. Asi ngaakumbire nechitendero asingakahadziki, nokuti munhu anokahadzika akafanana namasaisai egungwa anopeperetswa achiitwa suku nasai nemhepo. Munhu akadaro ngaarege kufunga kuti achawana chinhu chinobva kunaTenzi, nokuti munhu ane pfungwa mbiri, asina pake muna zvose zvaanoita. Kana hama mutendi, munhuwo zvake, akasimudzirwa pamusoro ngaafare ndizvozvowo nomupfumi kana akaninipiswa nokuti achapfuurawo seruva romusango. Sezvinongoita zuva kubuda nokupisa kwaro richiunisa uswa, neruva rahwo richikuhumuka norunako rwaro rwuchiparara ndozvichaita mupfumi kuparara mukati mebasa rake. Akakombererwa zvake munhu anotirira chiedzo nokuti kana achinge akunda chiedzo anowana ngundu youpenyu yakatsidzirwa naMwari kuna vanomuda. Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo. Asi munhu wose anoedzwa kana achitorwa mwoyo nokufurirwa noruchiva rwake. Kana ruchiva rwabata runobereka chitadzo. Kana chitadzo chadzika midzi chinounza rufu. Musanyengedzwe, hama dzangu dzadiwa. Chinhu chose chine munhu chakanaka nechipo chose chakaruramisisa chinobva kudenga kuna Baba vezviedza vasina mupindu kana mumvuri zvawo wokusanduka. Nokuda kwake akatibereka neshoko rechokwadi kuti tive semichero yokutanga yezvisikwa zvake. Zivai izvi hama dzangu dzadiwa zvokuti munhu wose ngaakurumidze zvake kunzwa asi ave anononoka kutaura uye ave anonoka kushatirwa nokuti kushatirwa kwomunhu hakubatsiri kuti mugariro wohumwari wakarurama uitwe. Naizvozvo bvisai zvetsvina zvose nezvakawandawanda zvakaipa mugamuchire makazvidukupisa shoko rakadyarwa mamuri rinokwanisa kuponesa mweya yenyu. Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza nokuti kana munhu achingova munzwi bedzi weshoko, asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira huso hwake hwaakaberekwa nahwo muchiringiriro; nokuti anozviongorora zvake oenda asi obva akanganwa zvaari. Asi uyo anotarisa mumutemo uzere worusununguko oramba achingoshingirira asiri munhu anongonzwa chete achizokanganwa asi muiti webasa; achakomborerwa mune zvaanoita. Kana munhu achizviona somunamati asingadzori rurimi rwake asi iye mumwoyo make achizvinyengedza, unamati hwomunhu iyeyo hauna maturo. Unamati hwakanyatsoti tsvikiti husina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba, ndohuhu: kushanyira nherera nechirikadzi munhamo dzadzo uye kuzvibata usingasvibiswi nenyika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jakobho 1

Jakobho 1:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jakobo, muranda waMŋari nowaShe Jesu Kristu, kumarudzi anegumi namaʋiri akapararira: Farai! Hama dzaŋgu, muti mufaro ɓedzi kana muciwira mumiidzo mizhinji; muciziʋa kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunoɓereka kutsuŋgirira. Asi kutsuŋgirira ŋgakuʋe neɓasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwaɀo, musiŋgashaiwi cinhu. Ɀino kana mumŋe wenyu acishaiwa kucenjera ŋgaakumbire kunaMŋari, unoŋgopa ʋose asiŋgazotuki; ucapiwa hake. Asi ŋgaakumbire nokutenda, asiŋganyunyuti napaɗuku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefuŋgu reguŋgwa rinosundwa nemhepo ricimutswa‐mutswa. Munhu uyu ŋgaarege kufuŋga kuti ucazowana cinhu kunaShe; munhu, unemŋoyo miʋiri, unoshanduka‐shanduka panzira dzake dzose. Asi hama iri muɗuku ŋgaafare nokukudzwa kwake; nomufumi nokuninipiswa kwake, nokuti ucapfuʋura seruʋa roʋuswa. Nokuti zuʋa rinoɓuɗa pamŋe cete nemhepo inopisa, ndokuwomesa ʋuswa; ruʋa rabgo rinowira pasi, nokunaka kwabgo kwakanga kwaʋonekwa kunopera; saiɀoɀo ʋo mufumi ucaȿaʋa panzira dzake. Wakaropafadzwa munhu uyo unotsuŋga mŋoyo pakuidzwa; nokuti kana atendwa, ucapiwa korona yoʋupenyu yakapikirwa aʋo ʋanomuɗa. Kana munhu aciidzwa, ŋgaarege kuti ndinoidzwa naMŋari; nokuti Mŋari haaŋgaidzwi neɀakaipa, naiye amene haaŋgaidzi munhu. Asi munhu mumŋe nomumŋe unoidzwa kana acikwebga nokuciʋa kwake acinyeŋgerwa. Ɀino kuciʋa, kana kwarema, kunoɀara ɀiʋi; neɀiʋi, kana ɀakura, ɀinoɓereka rufu. Musanyeŋgerwa, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. Ɀipo ɀose ɀakanaka neɀipiwa ɀose ɀakakwana ɀinobva kumsoro, ɀiciɓuruka kunaƂaɓa ʋeɀiedza, uyo usina‐kupinduka kana mumvuri wokushanduka. Nokuɗa kwake wakatiɓereka neshoko reɀokwaɗi, kuti isu tiite seciɓereko cokutaŋga ceɀisikwa ɀake. Munoɀiziʋa henyu iɀoɀi, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. Asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamŋa; nokuti kutsamŋa kwomunhu hakuiti kururama kwaMŋari. Saka bvisai tȿina yose nokuipa kwakawanda, mugamucire nomŋoyo munyoro shoko rakasimŋa mukati menyu, rinogona kuponesa mŋeya yenyu. Asi iʋai ʋaiti ʋeshoko, musaʋa ʋanzwi ʋoga, muciɀinyeŋgera. Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoʋona ciso cake, caakaɓerekwa naco, muciʋoniʋoni. Nokuti unoɀiʋona, ndokuenda, ndokukaŋganwa pakarepo kuti wakaɗini iye. Asi munhu unocerekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunuŋgurwa, akaramba aciɗaro, asati ari munzwi, unokaŋganwa, asi muiti weɓasa, iye ucaropafadzwa paneɀaanoita. Kana munhu aciti ndinonamata Mŋari, asiŋgadzori rurimi rwake, asi acinyeŋgera mŋoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo. Kunamata, kwakarurama, kusinemhoȿa pamberi paMŋari weɗu naƂaɓa, ndiko kufambira nherera necirikadzi pakutambudzika kwaʋo, nokuɀiceŋgeta, kuti arege kuȿiɓiswa nenyika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jakobho 1

Jakobho 1:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)