Isaya 7:1-17
Isaya 7:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Ahazi mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUzia, paakanga ari mambo weJudha, Mambo Rezini weAramu naPeka mwanakomana waRamaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema, asi havana kugona kurikunda. Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo. Ipapo Jehovha akati kuna Isaya, “Buda, iwe nomwanakomana wako Sheari-Jashubhi, unosangana naAhazi kumucheto womugero weDziva Rokumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki. Uti kwaari, ‘Chenjera, dzikama hako, uye usatya. Usaora mwoyo nokuda kwamatsiga maviri ehuni, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaRezini naAramu uye nekwomwanakomana waRemaria. Aramu naEfuremu nomwanakomana waRemaria vakarangana kukuparadza vachiti, “Handei tindorwa neJudha; ngatiribvarurei tigorigovana pakati pedu, tigogadza Tabheeri kuti ave mambo pamusoro paro.” Asi zvanzi naIshe Jehovha: “ ‘Izvi hazvingamiri, hazvingaitiki, nokuti musoro weAramu iDhamasiko, uye musoro weDhamasiko iRezini bedzi. Makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve. Musoro weEfuremu iSamaria, uye musoro weSamaria mwanakomana waRamaria bedzi. Kana usingamiri zvakasimba mukutenda kwako, hauchazomiri zvachose.’ ” Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati, “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.” Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.” Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here? Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri. Iye achadya ruomba nouchi paachaziva zvakakwana kuti arambe zvakaipa achisarudza zvakarurama. Asi mwana asati anyatsoziva kuramba zvakaipa nokusarudza zvakanaka, nyika yamadzimambo maviri aunotya ichava dongo. Jehovha achauyisa pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro peimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubva nguva iya yaakazvipatsanura kubva kuna Judha, achauyisa mambo weAsiria.”
Isaya 7:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiria, naPeka, mwanakomana waRemaria, mambo waIsiraeri, vakaenda kundorwa neJerusaremu, asi vakakoniwa kurikunda. Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, “VaSiria vava pakati pavaEfuremu.” Mwoyo wake nemwoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo. Zvino Jehovha akati kuna Isaya, “Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguo; undoti kwaari, ‘Chenjera, unyarare hako; usatya, nomwoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga awa maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwavaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.’ ” Nokuti vaSiria navaEfuremu, nomwanakomanwa waRemaria vakarangana kukuitira zvakaipa, vachiti, “Hendei tindorwa navaJudha, tivatyise, tivakunde, tigadze mambo pakati pavo, iye mwanakomana waTabheeri.” “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Izvozvi hazvingamiri, uye hazvingaitiki. Nokuti musoro weSiria ndiDhamasiko, nomusoro weDhamasiko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi; musoro wavaEfuremu ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimwanakomana waRemaria. Kana musingadi kutenda, zvirokwazvo hamungasimbiswi.’ ” Zvino Jehovha akataurazve naAhazi, achiti, “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; uchikumbire kunyange pasi pakadzika, kana kumusoro kwakakwirira.” Asi Ahazi akati, “Handingakumbiri, uye handingaedze Jehovha.” Akati, “Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguo here? Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo. Tarirai, mhandara ichava napamuviri, ichabereka mwanakomana, ichamutumidza Imanueri. Achadya ruomba nouchi, panguva yaanoziva kuramba zvakaipa, nokusanangura zvakanaka. Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nokusanangura zvakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maviri, ichashanduka dongo. “Jehovha achauyisa pamusoro pako, napamusoro pavanhu vako, napamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbovapo, kubvira pazuva rakaparadzana vaEfuremu navaJudha ndiye mambo weAsiria.”
Isaya 7:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumazuva aAhazi mwanakomana waJotamu mwanakomana waUziya mambo wokwaJudha, Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria mambo wokwaIsiraeri vakauya kuzorwisa guta reJerusaremu asi havana kukwanisa kurikurira. Pazvakasvika munzeve dzevemba yaDhavhidhi kuti Siria neEfuremu dzaita rimwe rokuda kukutsirana, iye navanhu vose vakadedera mumwoyo sezvinongoita miti yomusango ichivhuvhutwa nemhepo. Tenzi akati kuna Isaya, “Iwe nemwanakomana wako Sheariyashuvhu endai mundosangana naAhazi, kunoperera mugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokumunda womusuki wembatya usvikoti kwaari, “Chinyatsonzwisisa, nyarara, rega kutya. Usadedereswe mwoyo pamusana pezvigutsa izvi zviviri zviri kupfungaira pamusana pokutya kuviruka nehasha kwaRezini nekweSiria nekwemwanakomana waRemaria vadai kukufungira zano rakaipa vachiti, ‘Handei tindorwisa nyika yokwaJudha tiidederese nokutya. Ngatindoikurira tiite yedu tigadze mwanakomana waTabhieri umambo pakati payo. Izvi ndizvo zviri kurehwa naTenzi Mwari.’ Izvozvo hazvisi kuzombomira uye hazvizi kuzomboitika. Handiti guta guru reSiria iDhamasikusi, uye musoro weDhamasikusi ndiRezini handiti? (Kusati kwapera makore makumi matanhatu namashanu Efuremu iyi ichaparara kuita ubvurubvuru chaihwo zvokuti ichasara isisiri dzinza). “Uye vokwaEfuremu vanovimba neSamaria, handitiwo musoro weSamaria ndiye mwanakomana waRemaria. Kana iwe usina chokwadi nazvo pamusana paizvozvo haumbopamira.” Tenzi akataurazve kuna Ahazi achiti, “Kumbira Tenzi Mwari wako chiratidzo, chingave chakadzika pasi pasi senzvimbo yavachakabvu kana kuti chiri kudengadenga sedenga.” Asi Ahazi akati, “Handidi kukumbira! Handidi kuedza Tenzi.” Iye akati, “Chinzwai imi vemba yaDhavhidhi. Iko kunetsa vanhu kwamunoita hakukukwanirei here zvamunoda kutonetsawo kunyange naMwari wangu? Naizvozvo Tenzi pachavo ndivo vachakupai chiratidzo. Chiteererai munzwe, mhandara yava napamuviri ichabereka mwana mukomana waichatumidza zita rokuti Imanueri. Achatosvika pakudya mukaka wakakora nouchi nokuti anenge oziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka. Ndinodaro nokuti mwana iyeyu paachange asati aziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka, nyika yacho ine madzimambo maviri ari kukudederesai ichasara yangova nyikawo zvayo, isisina munhu. “Tenzi achakupinzai imi navanhu venyu nevemba yemadzibaba enyu mumazuva asati ambovapo kubvira nguva yakabva vokwaEfuremu kune wokwaJudha, wacho ari kurehwa apa ndimambo weAsiria.
Isaya 7:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino pamazuʋa aAhazi, mŋanakomana waJotami, mŋanakomana waUziya, mambo waJuda, Rezini mambo weSiria, naPeka, mŋanakomana waRemaria, mambo waIsraeri, ʋakaenda kundorwa neJerusarema, asi ʋakakoniwa kurikunda. Ɀino ʋakaʋudza imba yaDavidi, ʋaciti: ƲaSiria ʋaʋa pakati paʋaEfraimi. Mŋoyo wake nemŋoyo yaʋanhu ʋake ikazunuŋguswa sokuzunuŋguswa kwemiti muɗondo nemhepo. Ɀino Jehova akati kunaIsaya: Enda ɀino undosoŋgana naAhazi, iwe naSheari‐jashubi, mŋanakomana wako, panoguma rukoroŋga rwedziʋa rokumsoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki weŋguʋo; undoti kwaari: Cenjera, unyarare hako; usatya, nomŋoyo wako urege kupera nokuɗa kwamatsiga awa maʋiri anopfuŋgaira, nokuɗa kwokutsamŋa kukuru kwaRezini nokwaʋaSiria, nokwomŋanakomana waRemaria. Nokuti ʋaSiria naʋaEfraimi, nomŋanakomana waRemaria ʋakaraŋgana kukuitira ɀakaipa, ʋaciti: Hendei tindorwa naʋaJuda, tiʋatyise, tiʋakunde, tigadze mambo pakati paʋo, iye mŋanakomana waTabeeri. Ɀanzi naShe Jehova: Iɀoɀi haɀiŋgamiri, ʋuye haɀiŋgaitiki. Nokuti musoro weSiria ndiDamasko, nomusoro weDamasko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, ʋaEfraimi ʋacaputswa‐putswa, kuti ʋarege kuʋa rudzi; musoro waʋaEfraimi ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimŋanakomana waRemaria. Kana musiŋgaɗi kutenda, ɀirokwaɀo hamuŋgasimbiswi. Ɀino Jehova wakataura ɀe naAhazi, aciti: Kumbira ciratidzo kunaJehova Mŋari wako; ucikumbire kunyaŋge pasi pakadzika, kana kumsoro kwakakwirira. Asi Ahazi wakati: Handiŋgakumbiri, ʋuye handiŋgaidzi Jehova. Akati: Cinzwai ɀino, imi imba yaDavidi: Cinhu ciɗuku kwamuri kuti munetse ʋanhu, ɀino moɗo‐kunetsa Mŋari waŋgu ʋo here? Naiɀoɀo Ishe amene ucakupai ciratidzo: Tarirai, mhandara icaʋa nemimba, icaɓereka mŋanakomana, ndokumutumidza Imanueri. Ucadya ruʋomba noʋuci, paŋguʋa yaanoziʋa kuramba ɀakaipa, nokusanaŋgura ɀakanaka. Nokuti mŋana asati aziʋa kuramba ɀakaipa nokusanaŋgura ɀakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maʋiri, icashanduka ɗoŋgo. Jehova ucaʋuyisa pamsoro pako, napamsoro paʋanhu ʋako, napamsoro peimba yaɓaɓa ʋako, mazuʋa asinakumboʋa’po, kubvira pazuʋa rakaparadzana ʋaEfraimi naʋaJuda — ndiye mambo weAsiriya.
Isaya 7:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)