Isaya 65:20-22
Isaya 65:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mariri hamungazovazve nomucheche achararama mazuva mashoma shoma, kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama; uyo anofa ane zana ramakore achangotorwa somujaya; uyo anotadza kusvika pazana ramakore achatorwa sowakatukwa. Vachavaka dzimba vagogara madziri; vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo. Havachazovakazve dzimba dzinozogarwa navamwe, kana kudyara vamwe vachizodya. Nokuti sezvakaita mazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu mumabasa amaoko avo.
Isaya 65:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Hamuna mucheche mariri achararama mazuva mashomanana, kana munhu achembera anodimurirwa panzira mazuva oupenyu hwake. Chinenge chotovepo ndechokuti mwana anotozofa asvitsa zana ramakore. Kunyange mutadzi kufa aine zana remakore runenge ruchitova rushambwa. Vanhu vachavaka dzimba vakatodzigara, vachisima minda yamagirepisi vachitozodyawo michero yayo. Havazomboti ivo vakavaka, mumwewo zvake ndiye ozogaramo, hazvisiri kuzombosima mumwe achizodya, nokuti vanhu vangu vachararama samakore anogara hunde yomuti. Vasarudzwi vangu ava vachasaraka chaizvo vachingofarira basa ravanoita ivo namaoko avo.
Isaya 65:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana. Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemidzambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vatsanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.
Isaya 65:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuna mucheche mariri achararama mazuva mashomanana, kana munhu achembera anodimurirwa panzira mazuva oupenyu hwake. Chinenge chotovepo ndechokuti mwana anotozofa asvitsa zana ramakore. Kunyange mutadzi kufa aine zana remakore runenge ruchitova rushambwa. Vanhu vachavaka dzimba vakatodzigara, vachisima minda yamagirepisi vachitozodyawo michero yayo. Havazomboti ivo vakavaka, mumwewo zvake ndiye ozogaramo, hazvisiri kuzombosima mumwe achizodya, nokuti vanhu vangu vachararama samakore anogara hunde yomuti. Vasarudzwi vangu ava vachasaraka chaizvo vachingofarira basa ravanoita ivo namaoko avo.
Isaya 65:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hapaŋgazoʋi’po rushiye runamazuʋa mashoma, kana mutana usino‐kuȿitsa mazuʋa ake; nokuti mŋana ucafa apedza makore anezana, nomutadzi ucarobga nokutukwa kana aȿika makore anezana. Ʋacaʋaka dzimba nokugara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, nokudya micero yayo. Haʋaŋgaʋaki dzimba, mumŋe acizogara’mo; haʋaŋgasimi, mumŋe acizodya; nokuti samazuʋa omuti, ndiɀo ɀicaita mazuʋa aʋanhu ʋaŋgu; ʋasanaŋgurwa ʋaŋgu ʋacapedza ŋguʋa huru ʋacifarira maɓasa amaʋoko aʋo.