Isaya 65:1-2
Isaya 65:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza; ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka. Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’ Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu kurudzi rwakasindimara, vanofamba munzira dzisina kunaka vachitevera zvavanofunga
Isaya 65:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Ndakanga ndakatomirira kuti nditsvakwe navanhu vasina kundibvunza. Ndakanga ndakamirira ini kuti vanhu vandiwane asi pakanga pasina. Ini ndaiti, ‘Ndiri pano, ndiri pano,’ kurudzi rusingambodaidza zvarwo zita rangu, ndichiswerotambanudzira maoko kumhandupandu dzavanhu, vanofamba nenzira isina kunaka vachiita zvavo zvomusoro wavo.

Isaya 65:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakatendera kuti nditsvakwe navasina kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe navasina kunditsvaka; ndakati kurudzi rwakanga rusingatumidzwi nezita rangu, “Tarirai ndini, tarirai ndini.” Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kurudzi rwavanhu rwakandimukira, vanofamba nenzira isakanaka, vachitevera ndangariro dzavo
Isaya 65:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndakanga ndakatomirira kuti nditsvakwe navanhu vasina kundibvunza. Ndakanga ndakamirira ini kuti vanhu vandiwane asi pakanga pasina. Ini ndaiti, ‘Ndiri pano, ndiri pano,’ kurudzi rusingambodaidza zvarwo zita rangu, ndichiswerotambanudzira maoko kumhandupandu dzavanhu, vanofamba nenzira isina kunaka vachiita zvavo zvomusoro wavo.
Isaya 65:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakatendera kuti nditȿakwe naʋasina‐kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe naʋasina‐kunditȿaka; ndakati kurudzi rwakaŋga rusiŋgatumidzwi nezita raŋgu: Tarirai ndini, tarirai ndini. Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu zuʋa rose kurudzi rwaʋanhu rwakandimukira, ʋanofamba nenzira isakanaka, ʋaciteʋera ndaŋgariro dzaʋo