Isaya 60:1-14
Isaya 60:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako. Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako. “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza: vose vanoungana uye vanouya kwauri, vanakomana vako vanobva kure, uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko. Ipapo uchatarisa ugopenya, mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro; upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri, pfuma yendudzi ichauya kwauri. Mapoka engamera achazadza nyika yako, mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa. Uye vose vanobva kuShebha vachauya, vakatakura goridhe nezvinonhuhwira vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha. Mapoka eKedhari achaunganidzirwa kwauri makondobwe eNebhayoti achakushumira: achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu, uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa. “Ndivanaani ava vanobhururuka samakore, senjiva dzinoenda kumatendere adzo? Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri; zvikepe zveTashishi zvinotungamira zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure, nesirivha yavo negoridhe, kuzokudza Jehovha Mwari wako, iye Mutsvene waIsraeri, nokuti akakushongedza nokubwinya. “Vatorwa vachavakazve masvingo ako, uye madzimambo avo achakushandira. Kunyange ndakakurova mukutsamwa kwangu, munyasha dzangu ndichakunzwira tsitsi. Masuo ako achagara akashama haachazombozarirwi, masikati kana usiku kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi, madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa. Nokuti rudzi kana ushe husingakushumiri huchaparadzwa; huchaparadzwa zvachose. “Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri, mipaini nemifiri nemisipuresi pamwe chete, kuzoshongedza nzvimbo yetemberi yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu. Vanakomana vavamanikidzi venyu vachauya vachikotama pamberi penyu; vose vanokuzvidzai vachapfugama patsoka dzenyu uye vachakutumidzai kuti Guta raJehovha, Zioni roMutsvene waIsraeri.
Isaya 60:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha achabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako. Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira. Ringira kwose-kwose nameso ako, uone, vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu. Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, mwoyo wako uchadedera nokufariswa; nokuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, pfuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri. Ngamera zhinji-zhinji dzichakufukidza, nemhuru dzengamera eMidhiani neEfa; vose veShebha vachauya, vachauya nendarama nezvinonhuwira, vachaparidza kurumbidzwa kwaJehovha. Mapoka ose amakwai eKedhari achaunganidzirwa kwauri, makondobwe eNebhayoti achakushumira; zvichaiswa paaritari yangu ndichizvifarira, ndichashongedza imba yokukudzwa kwangu. Ndianiko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumawindo ezvirugu zvadzo? Zvirokwazvo, zvivi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokunoMutsvene waIsiraeri, nokuti ndiye wakakushongedza. Vatorwa vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira; nokuti ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha nengoni dzangu. Masuo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri pfuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa. Nokuti rudzi noushe, zvinoramba kukushumira, zvichaparara; zvirokwazvo marudzi iwayo achaparadzwa chose. Zvinobwinya zveRebhanoni zvichauya kwauri, misaipuresi, nemipaini nemifiri pamwechete, kuti ndishongedze nzvimbo yeimba yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu. Vanakomana vavatambudzi vako vachauya kwauri vachikotama; vose vaikuzvidza vachazvikotamisa pasi-pasi petsoka dzako; vachakutumidza zita rokuti, “Guta raJehovha, Zioni roMutsvene waIsiraeri.”
Isaya 60:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chisimuka uti ngwe-e kuvheneka nokuti chiedza chako chasvika uye mbiri yaTenzi yapenya pamusoro pako nokuti tarisa uone nyika ichanzi kwidiba nerima, vanhu vachanzi nezarima gude gude. Asi pauri Tenzi achanyatsoti ngwe-e, mbiri yake ichaonekwa pauri. Vechirudzi vachauya kuchiedza chako, madzimambo achauya kuchiedza chako chinenge chasimuka. Simudzai musoro mutarise uku nokuku muone, vose vari kuunganidzana vari kuuya kwauri, vanakomana vako vari kuuya vachibva kure, vanasikana vako vakaita zvokutakurwa mumaoko. Ipapo uchazviona ugomwekuma kufara, mwoyo usingagoni nokufara nokuti upfumi hwose hwegungwa hunenge hwonanga kwauri upfumi hwevechirudzi huchauya kwamuri. Mauri muchava nebvakapfaka renghamera, nghamera dzichine simba dzokuMidhiani nokuEfa nedzose dzinobva kuShebha dzichakotonoka. Dzichauya nendarama norusenzi, dzichadhumisa mbiri yaTenzi. Matanga ese ezvipfuwo zvokuKedhari achakurumukira kwauri, hondohwe dzokwaNebhaoti ndodzichava dzebasa rokupira kwako. Dzichave dzinogamuchirika paatari yangu, ndichapa mbiri kuimba yangu inomukurumbira. Ko avo ndivanaani avo vanopepera sekaguti, sehangaiwa dzananga pamusuo padzo? Ndinodaro nokuti nyika dzokumahombekombe kwegungwa uku dzichandishandira, kutanga nengarava dzokuTashishi dzichiuya navana vako dzichibva navo kure kure vakatakura sirivha yavo nendarama zvokurumbidza nazvo zita raTenzi, Mwari wako, iye Anoera weIsiraeri nokuti akakupa mukurumbira. Vatorwa zvavo ndovachakuvakira tsvingo dzako, madzimambo avo ivo ndoanenge otokushandira iwe. Ndakakuranga pamusana pokushatirwa kwandakanga ndaita, asi zvino pamusana pemwoyochena wangu ndava kukuitira tsiye nyoro. Misuo mikuru yako ichangogara yakazaruka siku nesikati, kuzarirwa isingazarirwi kuitira kuuya kunenge kuchiita vanhu kwauri noupfumi hwevechirudzi, vachitungamirirwa namadzimambo avo. Zvichavepo ndezvokuti rudzi kana nyika inenge isingakushandirei ichaparara, marudzi iwayo achanyatsotsakatiswa. Mbiri yacho yeRebhanoni inoti: misaipurasi nemipureni nemipaini iyoyo, ichauya kwauri kuzoshongedza pamana pangu paNzvimbo yangu Inoera ndichiita kuti mandinotsika ini netsoka dzangu mukurumbire. Vana vavaikudzvinyirira vachauya kwauri vachisvikoti pasi kota kota, vose zvavo vaikushorai vachasvikoti pasi gwadagwa patsoka dzako. Vachakutumidzai zita rokuti, Guta raTenzi, Guta reZioni raiye Anoera weIsiraeri.
Isaya 60:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Simuka, uveneke, nokuti ciedza cako caȿika, kubginya kwaJehova kwaɓuɗa pamsoro pako. Nokuti, tarira, rima ricafukidza nyika, nerima guru marudzi aʋanhu; asi Jehova ucaɓuɗa pamsoro pako, kubginya kwake kucaʋonekwa pamsoro pako. Marudzi acaʋuya kuciedza cako, namadzimambo kukubginya kwakakuɓuɗira. Riŋgira kwose‐kwose nameso ako, uʋone: ʋose ʋanoʋuŋgana pamŋe cete, ʋaciʋuya kwauri; ʋanakomana ʋako ʋacaʋuya ʋacibva kure, ʋakunda ʋako ʋacaɓerekwa pahudyu. Ipapo ucaɀiʋona ukapenya nomufaro, mŋoyo wako ucaɗeɗera nokufariswa; nokuti ɀakawanda ɀeguŋgwa ɀicaiswa kwauri, fuma yamarudzi aʋanhu icaʋuya kwauri. Makamera mazhinji‐zhinji acakufukidza, nemhuru dzamakamera eMidiani neEfa; ʋose ʋeSheba ʋacaʋuya, ʋacaʋuya nendarama neɀinonhuwira, ʋacaparidza kurumbidzwa kwaJehova. Mapoka ose amakwai eKedari acaʋuŋganidzirwa kwauri, makondobge eNebayoti acakushumira; ɀicaiswa paartari yaŋgu ndiciɀifarira, ndicashoŋgedza imba yokukudzwa kwaŋgu. Ndianiko aʋa ʋanobururuka segore, senjiʋa dzinoʋuya kumawindi eɀirugu ɀadzo? Ɀirokwaɀo, ɀiwi ɀicandimirira, neɀikepe ɀeTarshishi ɀicatuŋgamira ɀiciʋuya naʋanakomana ʋako ʋanobva kure, ʋaciʋuya nesirveri yaʋo nendarama yaʋo kuɀiisa kuzita raJehova Mŋari wako, nokunoMutȿene waIsraeri, nokuti ndiye wakakushoŋgedza. Ʋatorwa ʋacaʋaka maȿiŋgo ako, madzimambo aʋo acakushumira; nokuti ndakakuroʋa nokutsamŋa kwaŋgu, asi ndakakunzwira nyasha neŋgoni dzaŋgu. Masuʋo ako acagara akazaruka ŋguʋa dzose, haaŋgazarirwi masikati noʋusiku, kuti ʋaʋuyise kwauri fuma yamarudzi aʋanhu namadzimambo aʋo, akatapxa. Nokuti rudzi noʋushe, ɀinoramba kukushumira, ɀicaparara; ɀirokwaɀo marudzi iwayo acaparadzwa cose. Ɀinobginya ɀeRebanoni ɀicaʋuya kwauri, misipresi, nemipaini nemifiri pamŋe cete, kuti ndishoŋgedze nɀimbo yeimba yaŋgu tȿene; ʋuye ndicabginyisa nɀimbo yetsoka dzaŋgu. Ʋanakomana ʋaʋatambudzi ʋako ʋacaʋuya kwauri ʋacikotama; ʋose ʋaikuɀidza ʋacaɀikotamisa pasi‐pasi petsoka dzako; ʋacakutumidza zita rokuti, Guta raJehova, ɀioni roMutȿene waIsraeri.
Isaya 60:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)