Isaya 6:1-4
Isaya 6:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi. Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka. Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.” Nokutinhira kwamanzwi adzo, nheyo dzezvikumbaridzo dzakazungunuka uye temberi yakazadzwa noutsi.
Isaya 6:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguo dzake ichizadza temberi. Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo. Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.” Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nezwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi.
Isaya 6:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rakafa mambo Uziya, ndakaona Tenzi vakagara pachigaro choumambo, chiri pamusoro chakakwirira. Jira regemenzi rake raizvezvera pasi raizadza Temberi. Pamusoro pavo pakanga pakamira vatumwa vanonzi maserafimu, serafi roga roga raiva namapapiro matanhatu. Rakanga rakazvifukidza uso namapapiro maviri, namamwe maviri rakazvifukidza makumbo richibhururuka namamwe maviri. Aidaidzirana achiti: “Munoera, Munoera, Munoera! Imi Tenzi wehondo nehondo pasi pose pazere nembiri yenyu.” Ugaro hwemba iyi hwokumusuo hwakandengendeka pamusana pezwi rewainge adaidza. Imba iyoi yakazara noutsi.
Isaya 6:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaʋona Ishe agere pacigaro coʋushe, cirefu cakakwirira, mipendero yeŋguʋo dzake icizadza tembere. Kumsoro kwake kwakaŋga kumire serafimi; imŋe neimŋe yakaŋga inamapapiro matanhatu; namaʋiri yakafukidza ciso cayo, namaʋiri yakafukidza makumbo ayo, namaʋiri yakaŋga icibururuka nawo. Imŋe yakaɗanidzira kuneimŋe, iciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Jehova wehondo; nyika yose izere nokubginya kwake. Nheyo dzeɀikumbaridzo dzikazunuŋguka nenzwi rowakaŋga aciɗana, imba ikazadzwa noʋutsi.
Isaya 6:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)