Isaya 56:7
Isaya 56:7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.”
Isaya 56:7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paaritari rangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.
Isaya 56:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ivava ndichavaunza kugomo rangu rinoera ndigovaita kuti vafare muimba yangu yokunamatira. Mipiro yavo inopiswa nezvibayiro ndichazvigamuchira paatari yangu nokuti imba yangu ichanzi imba yokunamatira yamarudzi ose avanhu
Isaya 56:7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
iʋaʋo ndicaʋaʋuyisa kugomo raŋgu dɀene, nokuʋafadza muimba yaŋgu yokunyeŋgetera; ɀipiriso ɀaʋo ɀinopiswa neɀiɓayiro ɀaʋo ɀicagamucirwa paartari raŋgu; nokuti imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera yaʋanhu ʋose.
Isaya 56:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)