Isaya 55:6-11
Isaya 55:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tsvakai Jehovha achawanikwa: danai kwaari achiri pedyo. Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru. “Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu. Sezvinoita mvura nechando zvinoburuka kubva kudenga, zvisingadzokeriko zvisina kudiridza nyika nokuita kuti ibukire uye ibereke zvakawanda, kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya, saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvinondifadza, uye richaita zvandakarituma.
Isaya 55:6-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo. Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru. Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu. “Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudyari mbeu, nomudyi zvokudya; ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.
Isaya 55:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Tsvagai Tenzi achiri kuwanika, daidzai kwaari achiri padyo. Wakaipa ngaasiye nzira yake, asina kururama asiyane netwaanofunga, adzokere kuna Tenzi kuitira kuti amunzwire tsitsi, adzokere kuna Mwari wedu nokuti anomuregerera chaizvo. Ndinodaro nokuti mafungiro angu haasiriwo mafungiro enyu, kana iwo maitiro enyu haasiriwo maitiro angu.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti sezvakangoita matenga kuti ari pamusoro nyika iri pasi ndizvo zvakangoitawo maitiro angu kuti ari pamusoro pamaitiro enyu uye ndangariro dzangu dziri pamusoro pendangariro dzenyu. “Nokuti sezvinongoita mvura nechando kunaya zvichibva mudenga zvisingambodzokerako zvisina kudiridza nyika zvichiita kuti imerese nokutumbutsa, ichipa mbeu kuna anodyara nechokudya kuna anodya, ndizvo zvakangoitawo shoko rangu rinobva mumuromo mangu, haridzokeri kwandiri risina charinacho asi richatoita zvandinenge ndati riite richibudirira kuita zvandinenge ndarituma kuita.
Isaya 55:6-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tȿakai Jehova acawanikwa, ɗanai kwaari aciri pedyo. Wakaipa ŋgaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama miraŋgariro yake; ŋgaadzokere kunaJehova, iye ucamunzwira nyasha, nokunaMŋari weɗu, nokuti ucakaŋganwira ɀikuru. Nokuti ndaŋgariro dzaŋgu hadzizi ndaŋgariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ɗeŋga seɀarakakwirira kupfuʋura nyika, saiɀoɀo nzira dzaŋgu dzakakwirira kupfuʋura nzira dzenyu, nendaŋgariro dzaŋgu kupfuʋura ndaŋgariro dzenyu. Nokuti mvura necando seɀaɀinoɓuruka ɀicibva kuɗeŋga, ɀisiŋgazodzokeri’ko, asi ɀinoɗiridza nyika, ɀiciiɓerekesa nokuituŋgisa maruʋa, icipa mudɀari mbeu, nomudyi ɀokudya; ndiɀo ɀicaita shoko raŋgu rinoɓuɗa mumuromo maŋgu; hariŋgadzokeri kwandiri risina, asi ricaita ɀandinoɗa, riciendika paneɀandakaritumira.
Isaya 55:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)