Isaya 51:3
Isaya 51:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba.
Isaya 51:3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nokuti Jehovha akanyaradza Zioni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nezwi rokuimba.
Isaya 51:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti Tenzi achanyaradza guta reZioni achinzwira tsitsi matongo aro ose achaita kuti renje raro rive seEdheni, gwenga raro richiita sebindu raTenzi. Muchafarwa imomo muchipemberwa, muchitendwa Mwari muchiimbwa.
Isaya 51:3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Jehova wakanyaradza Zioni; wakanyaradza matoŋgo aro ose, akashandura renje raro riʋe seEdeni, nesaŋgo raro riʋe somunda waJehova; mufaro nokufarisisa ɀicawanikwa’mo, nokuʋoŋga nenzwi rokuimba.