Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 51:1-16

Isaya 51:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nditeererei, imi munotevera kururama uye munotsvaka Jehovha: Tarirai kudombo ramakabviswa pariri naparuware pamakacherwa; tarirai kuna Abhurahama, baba venyu, nokuna Sara, akakuberekai. Pandakamudana akanga achingova mumwe chete, ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji. Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba. “Nditeererei, imi vanhu vangu; ndinzwei imi rudzi rwangu: Ndichakupai murayiro; kururamisira kwangu kuchava chiedza kundudzi. Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza, ruponeso rwangu rwuri munzira, uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kundudzi. Zviwi zvichatarira kwandiri uye zvichamirira ruoko rwangu netariro. Simudzirai meso enyu kumatenga, tarirai pasi panyika; matenga achanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo, uye vanogaramo vachafa senhunzi. Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi, kururama kwangu hakuzombogumi. “Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama, imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu: Musatya kuzvidza kwavanhu, uye musavhundutswa nokutuka kwavo. Nokuti chipfuno chichavadya senguo; honye ichavadya sewuru. Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi, ruponeso rwangu kuzvizvarwa zvose.” Muka, muka! Zvishongedze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka, sepamazuva akare, sepazvizvarwa zvakare. Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi, ukabaya chikara chiya here? Hausiwe wakaomesa gungwa here, iyo mvura yokwakadzika zvikuru, ukaita mugwagwa makadzika megungwa kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke? Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo. Mufaro nokupembera zvichafashukira, uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza. “Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai. Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa, vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo, kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako, akatatamura matenga, akateya nheyo dzenyika, kuti ugare uchitya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, uyo akarerekera kukuparadza? Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi? Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa; havazofiri mumakomba avo, kana kuzoshayiwa chingwa. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu, iyeni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo, iyeni ndakateya nheyo dzenyika, uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 51

Isaya 51:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Nditeererei, imi munotevera kururama, imi munotsvaka Jehovha; cherechedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa. Cherechedzai Abhurahamu, baba venyu, naSara akakuberekai; nokuti ndakamudana achiri mumwechete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji. “Nokuti Jehovha akanyaradza Zioni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nezwi rokuimba. “Ndinzwei, imi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi rudzi rwangu; nokuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu. Kururama kwangu kuri pedyo, ruponeso rwangu rwabuda, maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu. Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi. “Nditeererei, imi munoziva kururama; imi vanhu vanomurayiro wangu pamwoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, musavhunduswa nokutuka kwavo. Nokuti zvipfukuto zvichavadya senguo, zviundudzi zvichavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi ose.” Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura-gura Rahabhi, mukabaya chikara here? Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura zhinji yegungwa rakadzika, akashandura nzvimbo dzakadzika dzegungwa mukapaita nzira pangayambuka vakadzikinurwa here? Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachapiwa mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchapera. “Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa; wakakanganwa Jehovha Muiti wako, akatatamura denga rose, nokuteya nheyo dzenyika; uchingotya zuva rose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, kana achizvigadzira kuparadza here? Ko hasha dzomumanikidzi dziripi? Musungwa wakatapwa achakurumidza kusunungurwa, haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwi. “Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zita rake. Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni, ‘Imi muri vanhu vangu.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 51

Isaya 51:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Nditeererei imi munotevera ururami, imi munotsvaka Tenzi. Tarisai kudombo kwamakakwakwanurwa nokuziware kwamakacherwa. Hamuone here baba wenyu Abhurahamu, naSara akakuberekai? Nokuti pandakamudaidza, akanga achingova munhu mumwechete ndikazomukomborera nokumupa vana vazhinji, nokuti Tenzi achanyaradza guta reZioni achinzwira tsitsi matongo aro ose achaita kuti renje raro rive seEdheni, gwenga raro richiita sebindu raTenzi. Muchafarwa imomo muchipemberwa, muchitendwa Mwari muchiimbwa. “Teererai kwandiri vanhu vangu ndinzwei imi rudzi rwavanhu vangu nokuti kwandiri ndokuchabva mutemo noruenzaniso rwangu rwunopa chiedza kumarudzi. Nguva yangu yokununura yava kutosvika izvozvi, nguva yangu yokuti ndichiponesa yatova kuuya izvozvi, marudzi evanhu achava mumaoko mangu, ndichatonga nyika dzokumakungwa dzakamirireni, vava kungotarisira kwandiri inini noruoko rwangu. Simudzai musoro mutarise nameso enyu kumatenga, mutarisewo panyika pasi pasi nokuti matenga achanyangarika soutsi, pasi pachasakara sembatya, vanhu vanogaramo vachafawo senhunzi. Asi kununura kwangu kuchagara narini wose uye kukunda kwangu kuchavapo nokusingaperi. “Nditeererei munzwe imi munoziva ururami, vanhu vane mwoyo une mutemo wangu, regai kutya kushorwa navanhu musatye kunyomba kwavo. Ndinodaro nokuti vachadyiwa namabetepeswa sehembe vachidyiwa nezviundudzi semvere. Asi kukunda kwangu kuchavapo nokusingaperi uye kununura kwangu kuchagara kuripo zvizvarwa zvenyu zvose.” “Simukai, simukai mukoke simba, imi Tenzi nesimba reruoko rwenyu simukai somumazuva aye epasichigare mazuva aye ekarekare. Hamusirimi here makaita Rahabhu kanyama kanyama muchibaya garanyanya riya? Hamusirimi here makaomesa gungwa mvura zhinji yehwenje chaiyo muchiita kuti pasi pasi pegungwa pave nenzira, kuitira kuti vakanunurwa vapfuure. Ipapo vakanunurwa naTenzi vachadzoka, vachauya kuZioni vachiimba vaine rufaro rusingaperi mumwoyo vachava nokupembera nokufara kusuwa nokuyaura zvichati ware kutiza. “Ini iyeni ndini ndinokunyaradzai, chaunotyira munhu anofa chii munhuwo zvake akaita souswa uchikanganwa Tenzi akakusika akawarira matenga akaita ugaro hwenyika uchiswerotya zvako ukasha hwomunhu anodzvanyirira, iye akaisa mwoyo mune zvokuparadza? Hwava papiko ukasha hwomunhu anobata vamwe zvakaipa wacho? Nyakumbonzi pasi kota kota atobva asunungurwa izvozvi. Haachapafa kana kudzika kuGomba kunyange kushaya chokudya nokuti ini Tenzi, ndini Mwari wako anobvundura gungwa kuti masaisai aro atinhire. NdiTenzi wehondo nehondo ndozita rake irori. Ndaisa mashoko angu mumuromo mako iwe ndikakuhwandisa mumumvuri weruoko rwangu, matenga ndinoadzika nyika ndichiitirawo ugaro hwayo ndiri kuti kuguta reZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 51

Isaya 51:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nditererei, imi munoteʋera kururama, imi munotȿaka Jehova; cerekedzai ɗombo pamakatemŋa, negomba romugodi pamakacerwa. Cerekedzai Abrahama, ɓaɓa ʋenyu, naSara wakakuɓerekai; nokuti ndakamuɗana aciri mumŋe cete, ndikamuropafadza, ndikamuita ʋazhinji. Nokuti Jehova wakanyaradza Zioni; wakanyaradza matoŋgo aro ose, akashandura renje raro riʋe seEdeni, nesaŋgo raro riʋe somunda waJehova; mufaro nokufarisisa ɀicawanikwa’mo, nokuʋoŋga nenzwi rokuimba. Ndinzwei, imi ʋanhu ʋaŋgu; rerekai nzeʋe dzenyu kwandiri, imi rudzi rwaŋgu; nokuti ndicatema murairo, ɀakarurama ɀaŋgu ndicaɀiita ciedza caʋanhu. Kururama kwaŋgu kuri pedyo, ruponeso rwaŋgu rwaɓuɗa, maʋoko aŋgu acatoŋga ʋanhu; ɀiwi ɀicandimirira, ɀicaʋimba noruʋoko rwaŋgu. Tarirai kuɗeŋga nameso enyu, mucerekedze nyika pasi; nokuti ɗeŋga rose ricanyaŋgarika soʋutsi, nyika icasakara seŋguʋo; ʋagere’mo ʋacafa soʋunyunyu; asi ruponeso rwaŋgu rucaʋa nokusiŋgaperi, kururama kwaŋgu hakuŋgaperi. Nditererei, imi munoziʋa kururama; imi ʋanhu ʋanomurairo waŋgu pamŋoyo yenyu; musatya kuɀidza kwaʋanhu, musavunduswa nokutuka kwaʋo. Nokuti ɀipfunho ɀicaʋadya seŋguʋo, ɀiʋundudzi ɀicaʋadya semvere; asi kururama kwaŋgu kucaʋa’po nokusiŋgaperi, noruponeso rwaŋgu kuȿikira kumarudzi ose. Muka, muka, ɀifukidze nesimba, iwe ruʋoko rwaJehova; muka sapamazuʋa akare, sapamarudzi eŋguʋa dzakare‐kare. Ko hamuzi imi makagura‐gura Rahabi, mukaɓaya cikara here? Ko hamuzimi makapxisa guŋgwa, nemvura zhinji yeguŋgwa rakadzika, wakashandura nɀimbo dzakadzika dzeguŋgwa mukapaita nzira paŋgayambuka ʋakadzikinurwa here? Ʋakasunuŋgurwa ʋaJehova ʋacadzoka, ʋacaenda Zioni ʋaciimba; mufaro usiŋgaperi ucaʋa pamisoro yaʋo, ʋacapiwa mufaro nokufarisisa, kucema nokugomera kucatiza. Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu unozofa, kana mŋanakomana womunhu, ucaitwa soʋuswa; ukakaŋganwa Jehova Muiti wako, wakatatamura ɗeŋga rose, nokuteya nheyo dzenyika; uciŋgotya zuʋa rose nokuɗa kwehasha dzomumanikidzi, kana aciɀigadzira kuparadza here? Ko hasha dzomumanikidzi dziripi? Musuŋgwa wakatapxa ucakurumidza kusunuŋgurwa, haaŋgafi nokuɓurukira mugomba, ɀokudya ɀake haɀiŋgashaikwi. Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, unomutsa guŋgwa, kuti mafuŋgu aro atinhire; Jehova wehondo ndiro zita rake. Ndakaisa mashoko aŋgu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruʋoko rwaŋgu, kuti ndiʋambe ɗeŋga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni: Imi muri ʋanhu ʋaŋgu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 51

Isaya 51:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)