Isaya 5:11-17
Isaya 5:11-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vane nhamo avo vanomuka mangwanani kuti vatsvake doro rinodhaka, vanogara kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa newaini. Vanenge vane rudimbwa, nemitengeranwa pamabiko avo, namatambureni, nenyere newaini, asi havana hanya namabasa aJehovha, havana rukudzo nebasa ramaoko ake. Naizvozvo vanhu vangu vachapinda muutapwa, nokuda kwokushayiwa zivo; vanokudzwa vavo vachafa nenzara, uye vazhinji vavo vachafa nenyota. Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro, uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero; mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji, navose vanokakavara vavo navanofara vavo. Naizvozvo munhuwo zvake achadzikiswa, marudzi avanhu achaninipiswa, nameso avanozvikudza achaninipiswa. Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari, mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake. Ipapo makwai achafura saari mumafuro awo; makwayana achadya pakati pamatongo avapfumi.
Isaya 5:11-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vane nhamo vanomuka mangwanani kundotsvaka doro rinobata, vanoswerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa naro. Rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere, newaini zviripo pamitambo yavo; asi havana hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa namaoko ake. Saka vanhu vangu vakatapwa nokushayiwa zivo; vakakudzwa pakati pavo vanoziya nenzara, vazhinji vavo vanofa nenyota. Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro zvikuru; vakakudzwa vavo, navazhinji vavo, navanozvikudza vavo, noanofara pakati pavo, vanoburukiramo. Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa, nameso avanozvikudza akaninipiswa. Asi Jehovha wehondo achakudzwa pakutonga kwakarurama, naMwari iye Mutsvene achaonekwa ari mutsvene nokururama kwake. Ipapo makwayana achafura saanenge ari pamafuro, awo vanodzungaira vachadya makura avapfumi.
Isaya 5:11-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vane nhamo vanomukirira rungwanangwana vachiteveredzana nedoro, vachiti tatata naro kusvikira pakati pousiku kusvikira vapengeswa naro! Pamitambo yavo vanenge vaine zvipendani nemadimbwa netambureni nenyere newaini; asi mabasa aTenzi havana hanya nawo kana kumbotarisawo zvavo zvaakaita namaoko ake. Saka vanhu vangu vachatapwa pamusana pokushaya kunzwisisa ikoko, vanhu vavo vanoremekedzwa vacho vachifa nenzara, voruzhinji vachinzwiswa nenyota. Naizvozvo nzvimbo yavachakabvu yava kumedzera mate ichishama muromo wayo zvakanyanyisa kwazvo kuti imedze zvayo vokumba huru vomuJerusaremu pamwechete nevoruzhinji vacho vezhowezhowe remo rokusasana. Vanhu vachadukupiswa vanhu vachaninipiswa navanhuwo vane mutarisiro wokuzvidza, vachaderedzwa. Asi Tenzi wehondo nehondo acharumbidzwa nokutonga kwaanoita iye Mwari Anoera acharatidza kuera kwake nokuda kwoururami. Hwayana ndopadzichafura zvadzo sokunge dziri kumafuro zvipfuwo zvakakora nembudzana zvichifura zvazvo mumatongo.
Isaya 5:11-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanenhamo ʋanomuka maŋgwanani kundotȿaka ɗoro rinoɓata, ʋanoswerera kuȿikira ʋusiku, kuȿikira ʋapeŋgeswa naro. Ruɗimbga, nembira, neŋgoma, nenyere, newaini ɀiri’po pamitambo yaʋo; asi haʋanehanya neɓasa raJehova, haʋaraŋgariri ɀakaitwa namaʋoko ake. Saka ʋanhu ʋaŋgu ʋakatapxa nokushaiwa ziʋo; ʋakakudzwa pakati paʋo ʋanoziya nenzara, ʋazhinji ʋaʋo ʋanofa nenyota. Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro ɀikuru; ʋakakudzwa ʋaʋo, naʋazhinji ʋaʋo, naʋanoɀikudza ʋaʋo, nounofara pakati paʋo, ʋanoɓurukira’mo. Ʋanhu ʋaɗuku ʋakakotamiswa, naʋakuru ʋakaninipiswa, nameso aʋanoɀikudza akaninipiswa. Asi Jehova wehondo ucakudzwa pakutoŋga kwakarurama, naMŋari iye Mutȿene ucaʋonekwa ari mutȿene nokururama kwake. Ipapo makwaiana acafura saaneŋge ari pamafuro awo, ʋanodzuŋgaira ʋacadya makura aʋafumi.
Isaya 5:11-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)