Isaya 5:1-7
Isaya 5:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichaimbira mudiwa wangu rwiyo pamusoro pomunda wake wemizambiringa: Mudiwa wangu akanga ane munda wake wemizambiringa, pachikomo chakaorera. Akautimbira akabvisa mabwe akasimamo mazambiringa akaisvonaka. Akavaka shongwe mukati mawo uye akauchererawo chisviniro chewaini. Ipapo akatarisa kuti awane zvibereko zvamazambiringa akanaka, asi iwo wakangobereka muchero wakaipa chete. “Zvino imi vagari vomuJerusarema nemi varume veJudha, chitongai pakati pangu nomunda wemizambiringa wangu. Chiiko chimwezve chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Pandakatsvaka mazambiringa akanaka, wakagoberekerei akaipa oga? Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, ugoparadzwa; ndichaputsa rusvingo rwawo, ugochatsikwa-tsikwa. Ndichauita nzvimbo yamarara, hauzochekererwi kana kusakurirwa, uye minzwa norukato zvichakuramo. Ndicharayira makore kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.” Munda womuzambiringa waJehovha Wamasimba Ose ndiwo imba yaIsraeri, uye varume veJudha ndivo bindu rake rinomufadza. Zvino akatarisira kururamisira asi akaona kuteuka kweropa; akatsvaka kururuma, asi akanzwa kuchema kwokutambudzika.
Isaya 5:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Regai ndimboimbira zvangu shamwari yangu rwiyo rwokuda kwaaiita munda wake wamagirepisi Shamwari yangu iyi yakanga iino munda wemagirepisi pachikomo chakanyatsoorera kwazvo. Akauwunda akaubvisa mabwe ose akasimamo miti yomugirepisi yakanakisisa kwazvo. Akavaka dara renharirire mukati mawo uye akachera garingiro rokusvinira magirepisi mariri achiutarisira kuti uchabereka magirepisi, asi wakamuberekera indye dzamagirepisi kuvava. “Zvino imi vagari veJerusaremu, imi vanhu vokwaJudha ndienzanisireiwo nyaya iri pakati pangu ini Mwari nomunda wangu wamagirepisi. “Pane chimwe here chandaifanira kuitira munda wangu wemagirepisi chandisina kuuitira? Pandaiutarisira kuti ubereke magirepisi kwawo wakazoberekerei indye dzamagirepisi kuvava? “Zvino chiregai ndikuudzei zvandichaita kumunda wangu wamagirepisi. Ndichapaza ruzhowa rwawo, ugorozvwa. Ndichaputsa rusvingo rwawo utsokodzerwe pasi. Ndichauita kuti usare rangova zita chete kuti munda. Handichaupemhena kana kuutimbira Minzwa norukato ndozvichakura zvazvo imomo Ndichaudzawo makore kuti arege kunayisa mvura pauri.” Zvino ipapa apa munda wacho wamagirepisi waTenzi wehondo nehondo, ndiyo imba yaIsiraeri. Vanhu ivava vomunyika maJudha, ndivo vacho vaakanyatsosima akatarisira ruenzaniso asi wanei potodeurwa ropa zvapo achitarisirawo kururama asi inzwei mhere!
Isaya 5:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ngandiimbire mudiwa wangu rwiyo rwomudiwa wangu pamusoro pomunda wake wemidzambiringa. Mudiwa wangu waiva nomunda wemidzambiringa pachikomo chakaorera; akautimba, akabvisa mabwe awo ose, akasimamo midzambiringa yakaisvonaka, akavaka shongwe mukati mawo, ndokucherawo chisviniro mukati mawo; zvino akatarira kuti ubereke madzambiringa, asi wakabereka madzambiringa ebundo. Zvino imi mugere Jerusaremu navarume vaJudha, ndinokumbira kuti motonge pakati pangu nomunda wangu wemidzambiringa. Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemidzambiringa chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka madzambiringa, wakagoberekerei madzambiringa ebundo? Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemidzambiringa, Ndichabvisa ruzhowa rwawo, udyiwe; ndichaputsa rusvingo rwawo, utsikwe; ndichauparadza; haungawanhurwi, kana kurimwa; asi uchamera minzwa norukato; ndicharayira makore, kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo. Nokuti munda wemidzambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsiraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza; zvino akatsvaka kwavari kururamisira, asi tarira, akawana kumanikidza, akatsvaka kururama, asi tarira, akawana kuchema.
Isaya 5:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Regai ndimboimbira zvangu shamwari yangu rwiyo rwokuda kwaaiita munda wake wamagirepisi Shamwari yangu iyi yakanga iino munda wemagirepisi pachikomo chakanyatsoorera kwazvo. Akauwunda akaubvisa mabwe ose akasimamo miti yomugirepisi yakanakisisa kwazvo. Akavaka dara renharirire mukati mawo uye akachera garingiro rokusvinira magirepisi mariri achiutarisira kuti uchabereka magirepisi, asi wakamuberekera indye dzamagirepisi kuvava. “Zvino imi vagari veJerusaremu, imi vanhu vokwaJudha ndienzanisireiwo nyaya iri pakati pangu ini Mwari nomunda wangu wamagirepisi. “Pane chimwe here chandaifanira kuitira munda wangu wemagirepisi chandisina kuuitira? Pandaiutarisira kuti ubereke magirepisi kwawo wakazoberekerei indye dzamagirepisi kuvava? “Zvino chiregai ndikuudzei zvandichaita kumunda wangu wamagirepisi. Ndichapaza ruzhowa rwawo, ugorozvwa. Ndichaputsa rusvingo rwawo utsokodzerwe pasi. Ndichauita kuti usare rangova zita chete kuti munda. Handichaupemhena kana kuutimbira Minzwa norukato ndozvichakura zvazvo imomo Ndichaudzawo makore kuti arege kunayisa mvura pauri.” Zvino ipapa apa munda wacho wamagirepisi waTenzi wehondo nehondo, ndiyo imba yaIsiraeri. Vanhu ivava vomunyika maJudha, ndivo vacho vaakanyatsosima akatarisira ruenzaniso asi wanei potodeurwa ropa zvapo achitarisirawo kururama asi inzwei mhere!
Isaya 5:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ŋgandiimbire muɗiwa waŋgu rwiyo rwomuɗiwa waŋgu pamsoro pomunda wake wemizambiriŋga. Muɗiwa waŋgu waiʋa nomunda wemizambiriŋga pacikomo cakaʋorera; akautimba, akabvisa mabge awo ose, akasima’mo mizambiriŋga yakaiȿo‐naka, akaʋaka shoŋgwe mukati mawo, ndokucera ʋo ciȿiniro mukati mawo; ɀino wakatarira kuti uɓereke mazambiriŋga, asi wakaɓereka mazambiriŋga eɓundo. Ɀino imi ʋagere Jerusarema naʋarume ʋaJuda, ndinokumbira kuti mutoŋge pakati paŋgu nomunda waŋgu wemizambiriŋga. Cinyiko caifanira kuitirwa munda waŋgu wemizambiriŋga, candisina‐kuuitira? Ɀino ndicitarira kuti ucaɓereka mazambiriŋga, wakagoɓerekerei mazambiriŋga eɓundo? Ɀino ndicakuʋudzai ɀandicaitira munda waŋgu wemizambiriŋga: Ndicabvisa ruzhowa rwawo, udyiwe; ndicaputsa ruȿiŋgo rwawo, utsikwe; ndicauparadza; hauŋgaraŋgurwi, kana kurimŋa; asi ucamera minzwa norukato; ndicaraira makore, kuti arege kunisa mvura pamsoro pawo. Nokuti munda wemizambiriŋga waJehova wehondo ndiyo imba yaIsraeri, ʋarume ʋaJuda muti wake unomufadza; ɀino wakatȿaka kwaʋari kururamisira, asi tarira, wakawana kumanikidza, wakatȿaka kururama, asi tarira, wakawana kucema.