Isaya 49:23
Isaya 49:23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Madzimambo achava madzibaba anokurerai, uye vanamambokadzi vavo vachava vanamai vanokurerai. Vachakupfugamirai uso hwavo hwakatsikitsira pasi, vachananzva guruva patsoka dzenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanovimba neni havachazonyadziswi.”
Isaya 49:23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Madzimambo achava madzibaba anokurerai; vahosi vavo madzimai enyu anokurerai vachakotama pamberi penyu zviso zvavo zvakatarira pasi, vachinanzva guruva riri patsoka dzenyu; ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanondimirira havanganyadziswi.”
Isaya 49:23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madzimambo achave madzibaba okukuchengeta vanavahosi vavowo vari vanamaiwo vokukurera. Vachati uso pasi kota kota vachikuremekedza, vachizvirereka zvokutonanzva guruva retsoka dzako. Ndopaunobva wazoziva kuti ini ndini Tenzi vose vanovimba neni havazonyadziswa.”
Isaya 49:23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Madzimambo acaʋa madziɓaɓa anokurerai, naʋahosi ʋaʋo madzimai enyu anokurerai; ʋacakotama pamberi penyu ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi, ʋacinanɀa guruʋa riri patsoka dzenyu; ipapo mucaziʋa kuti ndini Jehova; ʋanondimirira haʋaŋganyadziswi.
Isaya 49:23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)