Isaya 44:6-8
Isaya 44:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvanzi naJehovha, Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose: Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. Ndianiko zvino akafanana neni? Ngaazvitaure. Ngaadanidzire, azviise mberi kwangu izvo zvakaitika kubva pandakasimbisa vanhu vangu vekare, uye kuti chiiko chichaitika hongu, ngaataure zvichaitika. Musadedera, musatya. Handina kuparidza izvi here uye ndikazvitaura kare kare? Imi muri zvapupu zvangu. Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Kwete, hakuna rimwe Dombo; hakuna rimwe randinoziva.”
Isaya 44:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsiraeri, noMudzikinuri wavo, Jehovha wehondo, “Ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. Ndianiko angadana seni, nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakare-kare? Zvinhu zvinouya, nezvinozoitika, ngavazviparidze izvo. Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi.”
Isaya 44:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTenzi. Mambo weIsiraeri Mununuri wake Tenzi wehondo nehondo, “Ndini Wokutanga, ndini Wokupedzesera. Kunze kwangu ini, hakuna mumwe mwari. Ndiani chaizvo akaita seni? Ngaazviparidze, azvizivise vanhu azviise pachena ini ndiripo kudai. Ndiani akafanotaura kare ikako nezvezvinhu zvichauya? Ngavatitaurireka zvichazoveko! Rega zvako kutya kana kuita umbwende, handina kukutaurira here kare ndikatotema izvozvo? Imimi ndimi zvapupu zvangu! Kuno mumwe Mwari here kunze kwangu ini? Hakuna kana rimwe Dombo kana nerimwe zvaro randinoziva.”
Isaya 44:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaIsraeri, noMudzikinuri waʋo, Jehova wehondo: Ndini wokutaŋga nowokupedzisira; kunze kwaŋgu hakunaMŋari. Ndianiko uŋgaɗana seni, nokuɀiparidza, nokuɀigadzirira iɀo, kubva paŋguʋa yandakagadza ʋanhu ʋakare‐kare? Ɀinhu ɀinoʋuya, neɀinozoitika, ŋgaʋaɀiparidze iɀo. Musatya henyu, musavunduka; handina‐kukuparidzirai iɀoɀo kare, nokukuratidzai here? Imi muri ɀapupu ɀaŋgu. Kunomumŋe Mŋari kunze kwaŋgu here? Ɀirokwaɀo, hakunerimŋe Ƌombo, ini handiriziʋi.
Isaya 44:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)