Isaya 43:8-9
Isaya 43:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyai neavo vane meso asi vari mapofu, vane nzeve asi vari matsi. Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete, uye marudzi ngaaungane. Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika, akatiparidzira zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva, kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.”
Isaya 43:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo. Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, “Ichokwadi.”
Isaya 43:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uya navo vanhu ivavo, mapofu zvawo asi maziso vainawo, matsi zvadzo asi nzeve vainadzo. Marudzi ose avanhu ngaaungane pamwechete, ndudzi dzavanhu ngadziungane. Ndiani pakati pavo anogona kuzivisa vanhu izvozvi izvi, atirondedzere zvakaitika kare? Ngavauyeka nezvapupu zvavo zvizovapipirira vanzwe vagoti, “Ichokwadi.”
Isaya 43:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuyai namapofu, anameso hawo, nematsi, dzinenzeʋe hadzo. Marudzi ose ŋgaaʋuŋganidzwe pamŋe cete, naʋanhu ʋakokerwe; ndianiko pakati paʋo uŋgatiʋudza iɀoɀi, uŋgatiratidza ɀinhu ɀakare? Ŋgaʋaʋuye neɀapupu ɀaʋo, ʋaruramiswe; ŋgaʋanzwe, ʋati: Iɀokwaɗi.
Isaya 43:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)