Isaya 43:8-12
Isaya 43:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyai neavo vane meso asi vari mapofu, vane nzeve asi vari matsi. Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete, uye marudzi ngaaungane. Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika, akatiparidzira zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva, kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.” “Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu. Ini, iyeni, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi. Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza, ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu. Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “ndini Mwari.
Isaya 43:8-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo. Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, “Ichokwadi.” Zvanzi naJehovha, “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe. Ini, iyeni, ndiJehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Isaya 43:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uya navo vanhu ivavo, mapofu zvawo asi maziso vainawo, matsi zvadzo asi nzeve vainadzo. Marudzi ose avanhu ngaaungane pamwechete, ndudzi dzavanhu ngadziungane. Ndiani pakati pavo anogona kuzivisa vanhu izvozvi izvi, atirondedzere zvakaitika kare? Ngavauyeka nezvapupu zvavo zvizovapipirira vanzwe vagoti, “Ichokwadi.” Zvanzi naTenzi, “Imimi ndimi, zvapupu zvangu, iyemi ndimi muranda wangu wandakasarudza kuti mugoziva munditende munzwisise kuti inini ndini iye ari. Hapana mwari akaumbwa ini ndisati ndavepo, kana kuzova nomumwewo zvake mushure mangu. Ini ndini Tenzi, kunze kwangu hakuna mununuri. Ini ndakataura ndikanunura ndikazviparadza, izvozvo, pakati penyu pakanga pasati pava navamwari vesirivo, imimi ndimi zvapupu zvangu,” ndizvo zviri kutaura Tenzi
Isaya 43:8-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuyai namapofu, anameso hawo, nematsi, dzinenzeʋe hadzo. Marudzi ose ŋgaaʋuŋganidzwe pamŋe cete, naʋanhu ʋakokerwe; ndianiko pakati paʋo uŋgatiʋudza iɀoɀi, uŋgatiratidza ɀinhu ɀakare? Ŋgaʋaʋuye neɀapupu ɀaʋo, ʋaruramiswe; ŋgaʋanzwe, ʋati: Iɀokwaɗi. Ɀanzi naJehova: Ndimi ɀapupu ɀaŋgu, nomuranda waŋgu, wandakasanaŋgura; kuti muziʋe, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakunomumŋe mŋari wakanditaŋgira pakuʋumbga, shure kwaŋgu hakuŋgazoʋi’po mumŋe. Ini, iyeni, ndiJehova, kunze kwaŋgu hakunomumŋe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe pakati penyu; saka imi muri ɀapupu ɀaŋgu, neni ndiri Mŋari, ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Isaya 43:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)