Isaya 43:1-7
Isaya 43:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvino, zvanzi naJehovha, iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako; uri wangu. Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako; ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako, Etiopia neShebha pachinzvimbo chako. Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu, uye nokuti ndinokuda, ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako. Usatya, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva, ndichakuunganidzai kubva kumavirira. Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’ uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’ Uyisai vanakomana vangu kubva kure, uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika, vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita.”
Isaya 43:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakobho, akakuumba, iwe Isiraeri, “Usatya hako, nokuti ndini ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako, uri wangu. “Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Ijipiti ruve rudzikinuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako. “Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako. Usatya hako, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva; ndichati kurutivi rwokumusoro, varege; nokurutivi rwezasi, usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika; mumwe nomumwe anodanwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita.”
Isaya 43:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi pari zvino zvanzi naTenzi, Iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Isiraeri “Rega zvako kutya nokuti ndakakununura, ndikakudaidza nezita, uri wangu. “Paunopfuura nomumvura zhinji ndichave newe, kana ukapfuura nomunzizi hadzikutore, kana ukafamba nomumoto haukupisi, rimi romoto harikuroromesi. Ndinodaro nokuti ini Tenzi ndini Mwari wako iye Anoera waIsiraeri mununuri wako. Ndiri kupa Ijipiti kuti ive chokukutsikinurisa nacho, Itiopia neSebha dzive dzokutsiva iwewe, nokuti kwandiri, iwe wakakosha unoremekedzeka uye ndinokuda. Ndinobvisa vanhu kukutenga iwe, vanhu vokutsinhanisa noupenyu hwako Usatye nokuti ndinewe, vana vako ndichavaunza kubva kumabvazuva ndichikukokorodzai kubva kumadokero. Ndichati kune vokuchamhembe, regai vanhu ava; kune vokumaodzanyemba ndichiti, musavarambire; unzai vanakomana vangu kubva kure ikoko navanasikana vangu kubva kwakaperera nyika, wose zvake wandakadaidza nezita rangu wandakasikira mbiri yangu wandakaumba, wandakaita.”
Isaya 43:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɀino ɀanzi naJehova, wakakusika, iwe Jakobo, wakakuʋumba, iwe Israeri: Usatya hako, nokuti ndakakudzikinura; ndakakuɗana nezita rako, uri waŋgu. Kana ucipinda nomumvura zhinji, ndicaʋa newe, kana nomunzizi, hadziŋgakunyudzi; kana ucifamba nomumŋoto, hauŋgatȿi, nomuraɀo hauŋgakupisi. Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, Mutȿene waIsraeri, Muponesi wako; ndakaisa Egipita ruʋe rudzikinuro rwako, Etiopia neSeba panɀimbo yako. Ɀawakaŋga ucikosha pamberi paŋgu, ucikudzwa nokuɗikanwa neni, naiɀoɀo ndicaisa ʋanhu panɀimbo yako, namarudzi aʋanhu panɀimbo yoʋupenyu bgako. Usatya hako, nokuti ndinewe; ndicaʋuyisa ʋana ʋako ʋabve kumabvazuʋa, nokukuʋuŋganidza ubve kumaʋirazuʋa; ndicati kurutiʋi rwokumsoro: Ʋarege; nokurutiʋi rwezasi: Usaʋadziʋisa; ʋuyai naʋanakomana ʋaŋgu ʋari kure, naʋakunda ʋaŋgu ʋari kumigumo yenyika; mumŋe nomumŋe unoɗanwa nezita raŋgu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaʋumba, ɀirokwaɀo, wandakaita.
Isaya 43:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)