Isaya 42:2-3
Isaya 42:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haazodanidziri kana kuridza mhere, kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi. Mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira

Isaya 42:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haangadani, kana kudanidzira nezwi rake, kana kunzwisa izwi rake panzira dzomumusha. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; achavigira vanhu kururamisirwa muchokwadi.
Isaya 42:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Haazoita zvokudaidzira kana zvokushevedzera nenzwi rake kunyange kuita kuti rinzwike mumugwagwa. Rutsanga runenge rwakatyoka haridimure, rambhi rine tambo inoti kamoto roi roi kubvira haaridzime, achaunzira vanhu ruenzaniso chairwo.
Isaya 42:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haaŋgaɗani, kana kuɗanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha. Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni, nomŋenje unopfuŋgaira haaŋgaudzimi; ucaʋigira ʋanhu kururamisirwa muɀokwaɗi.
Isaya 42:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)