Isaya 42:1-9
Isaya 42:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Tarirai muranda wangu, wandinotsigira, musanangurwa wangu wandinofarira; Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achavigira ndudzi kururamisirwa. Haazodanidziri kana kuridza mhere, kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi. Mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira; haangakoniwi uye haangaperi simba kusvikira asimbisa kururamisirwa panyika. Zviwi zvichaisa tariro yazvo mumurayiro wake.” Zvanzi naMwari Jehovha, iye akasika matenga akaatatamura, akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi, anopa kufema kuvanhu vayo, noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo: “Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama; ndichabata ruoko rwako. Ndichakuchengeta ndigokuita kuti uve sungano yavanhu nechiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti usvinudze meso asingaoni, usunungure vakasungwa mutorongo uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima. “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo. Tarira, zvinhu zvakare zvaitika, uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva; izvo zvisati zvavapo ndinozvizivisa kwamuri.”
Isaya 42:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu anofadza mweya wangu. Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake, achavigira marudzi kururamisirwa. Haangadani, kana kudanidzira nezwi rake, kana kunzwisa izwi rake panzira dzomumusha. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; achavigira vanhu kururamisirwa muchokwadi. Iye haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika; zvivi zvichamirira murayiro wake. Zvanzi naMwari Jehovha, iye akasika denga rose, akaritatamura, iye akatambanudza nyika nezvinobvamo, iye anopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo, “Ini Jehovha ndakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uye chiedza chamarudzi; usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patorongo, navagere murima paimba yokusungwa. Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa. Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndinokuudzai izvozvo zvisati zvabukira.”
Isaya 42:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Hoyu muranda wangu wandinotsigira munhu wandakazvisarudzira, wangu wepamwoyo. Ndakaisa Mweya wangu maari, achaunzira marudzi avanhu ruenzaniso. Haazoita zvokudaidzira kana zvokushevedzera nenzwi rake kunyange kuita kuti rinzwike mumugwagwa. Rutsanga runenge rwakatyoka haridimure, rambhi rine tambo inoti kamoto roi roi kubvira haaridzime, achaunzira vanhu ruenzaniso chairwo. Haachazorasa mwoyo kana kudzokera shure. Kusvikira aunza ruenzaniso panyika, nyika dziri kumahombekombe kwegungwa dzamirira mutemo wake.” Zvanzi naTenzi Mwari, iye akasika matenga achiatambanudza nokokoko iye akawarira nyika nezviri mairi iye anopa vanhu mweya wokufema iye anopa upenyu vanofamba mairi, “Ndini Tenzi. Ndakakudaidzira kuzoita zvinhu chaizvo zvakarurama, ndakakubata ruoko ndikakuchengeta. Iwe ndiwe wandakaita kuti uve sechitenderano changu nendudzi dzavanhu chiedza kumarudzi avanhu kuzozarura maziso amapofu, kuzoburitsa vasungwa mujeri rapasi pevhu kuburitsa mujeri vagere muzarima. Ndini Yahweh, irori ndiro zita rangu. Hakuna zvako kana mumwe wandinopa ukuru hwangu kana kupa kurumbidzwa kwandinoitwa kuzvifananidzo zvokunamata zvakavezwa. Chionaika kuti, zvinhu zvakare zvakatoitika zvino ndava kukuzivisai zvinhu zvitsva nguva yokuitika kwazvo isati yasvika, ndava kufanokutaurirai nezvazvo.”
Isaya 42:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai muranda waŋgu wandinotsigira, musanaŋgurwa waŋgu unofadza mŋeya waŋgu. Ndakaisa Mŋeya waŋgu pamsoro pake, ucaʋigira marudzi kururamisirwa. Haaŋgaɗani, kana kuɗanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha. Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni, nomŋenje unopfuŋgaira haaŋgaudzimi; ucaʋigira ʋanhu kururamisirwa muɀokwaɗi. Iye haaŋgapfuŋgairi kana kupxanyiwa, kuȿikira agadza kururama panyika; ɀiwi ɀicamirira murairo wake. Ɀanzi naMŋari Jehova, iye wakasika ɗeŋga rose, akaritatamura, iye wakatambanudza nyika neɀinobva’mo, iye unopa ʋanhu ʋari’mo kufema, naʋanofamba’po mŋeya waʋo: Ini Jehova ndakakuɗana nokururama, ndicaɓata ruʋoko rwako, ndicakuceŋgeta, ndikuite suŋgano yaʋanhu, uʋe ciedza camarudzi; uȿinudze meso asiŋgaʋoni, uɓuɗise ʋasuŋgwa patoroŋgo, naʋagere murima paimba yokusuŋgwa. Ndini Jehova, ndiro zita raŋgu; kukudzwa kwaŋgu handiŋgakupi mumŋe, kana kurumbidzwa kwaŋgu kumifananidzo yakaʋezwa. Tarirai, ɀinhu ɀakare ɀaitika, ndinoparidza ɀinhu ɀitȿa; ndinokuʋudzai iɀoɀo ɀisati ɀaɓukira.
Isaya 42:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)