Isaya 41:13-14
Isaya 41:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira. Usatya Jakobho iwe honye, iwe mudiki Israeri, nokuti ini iyeni ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri.
Isaya 41:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, ‘Usatya, ini ndichakubatsira.’ Usatya, Jakobho iwe honye, nemi varume vaIsiraeri; ini ndichakubatsira, ndizvo zvinotaura Jehovha, mudzikinuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri.
Isaya 41:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’ “Rega kutya Jakobho, iyewe honye zvayo kudai, iyemi vanhu veIsiraeri! Ndichakubatsirai, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi; mununuri wenyu, ndini Anoera waIsiraeri.
Isaya 41:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ini Jehova, Mŋari wako, ndicaɓata ruʋoko rwako rworudyi, ndiciti kwauri: Usatya, ini ndicakuɓatsira. Usatya, iwe honye Jakobo, nemi ʋarume ʋaIsraeri; ini ndicakuɓatsira, ndiɀo ɀinotaura Jehova, mudzikinuri wako ndiye Mutȿene waIsraeri.
Isaya 41:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)