Isaya 41:12-13
Isaya 41:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vanokwikwidzana newe uchavatsvaka ukavashaya vanorwisana newe vachava sechinhu chisina maturo nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’
Isaya 41:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kunyange ukatsvaka vavengi vako, hauzovawani. Avo vanorwa newe vachava sechinhu chisipo chose. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira.
Isaya 41:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo. Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, ‘Usatya, ini ndichakubatsira.’
Isaya 41:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanokwikwidzana newe uchavatsvaka ukavashaya vanorwisana newe vachava sechinhu chisina maturo nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’
Isaya 41:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ucaʋatȿaka, asi hauŋgaʋawani, iʋo ʋanokakaʋara newe; ʋanorwa newe ʋacaʋa secinhu cisi’po, secinhu cisinamaturo. Nokuti ini Jehova, Mŋari wako, ndicaɓata ruʋoko rwako rworudyi, ndiciti kwauri: Usatya, ini ndicakuɓatsira.