Isaya 41:10-13
Isaya 41:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Naizvozvo usatye nokuti ndinewe. Usatambudzike zvako mumwoyo nokuti ini ndini Mwari wako. Ini ndichakusimbisa ndichikubatsira, ndichakutsigira noruoko rwangu runokurira.’ “Chinzwa, vose zvavo vane daka newe vachanyadziswa zvigovapazamisa, vanorwisana newe vachava sezvinhu pasina vagotsakatika. Vanokwikwidzana newe uchavatsvaka ukavashaya vanorwisana newe vachava sechinhu chisina maturo nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’
Isaya 41:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama. “Vose vanokutsamwira zvirokwazvo vachanyadziswa uye vachanyara; vose vanokakavadzana newe vachava sechinhu chisipo uye vachaparara. Kunyange ukatsvaka vavengi vako, hauzovawani. Avo vanorwa newe vachava sechinhu chisipo chose. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira.
Isaya 41:10-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba. Tarira, vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara. “Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo. Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, ‘Usatya, ini ndichakubatsira.’
Isaya 41:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo usatye nokuti ndinewe. Usatambudzike zvako mumwoyo nokuti ini ndini Mwari wako. Ini ndichakusimbisa ndichikubatsira, ndichakutsigira noruoko rwangu runokurira.’ “Chinzwa, vose zvavo vane daka newe vachanyadziswa zvigovapazamisa, vanorwisana newe vachava sezvinhu pasina vagotsakatika. Vanokwikwidzana newe uchavatsvaka ukavashaya vanorwisana newe vachava sechinhu chisina maturo nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’
Isaya 41:10-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
usatya, nokuti ndinewe; usavunduka, nokuti ndiri Mŋari wako; ndicakusimbisa, ɀirokwaɀo, ndicakuɓatsira; ɀirokwaɀo, ndicakutsigira noruʋoko rwaŋgu rworudyi rwokururama. Tarira, ʋose ʋanokutsamŋira, ʋacanyadziswa ʋaʋe nenyadzi; ʋanokakaʋara newe ʋacaʋa secinhu cisi’po, ʋacaparara. Ucaʋatȿaka, asi hauŋgaʋawani, iʋo ʋanokakaʋara newe; ʋanorwa newe ʋacaʋa secinhu cisi’po, secinhu cisinamaturo. Nokuti ini Jehova, Mŋari wako, ndicaɓata ruʋoko rwako rworudyi, ndiciti kwauri: Usatya, ini ndicakuɓatsira.