Isaya 37:16-20
Isaya 37:16-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mugere pakati pamakerubhimi, imi moga ndimi Mwari aripo pamusoro poumambo hwose hwenyika. Makasika denga nepasi. Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; zarurai meso enyu, Jehovha muone; teererai mashoko ose aSenakeribhi aakatuma kuzozvidza nawo Mwari mupenyu. “Ichokwadi, Jehovha, kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi dzose nenyika dzadzo. Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo akaitwa namaoko avanhu. Zvino, Jehovha Mwari wedu, tidzikinurei kubva muruoko rwake, kuitira kuti madzimambo ose enyika azive kuti imi moga, Jehovha, ndimi Mwari.”
Isaya 37:16-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Haiwa Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhimi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi. Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muone; inzwai mashoko ose aShanheribhi, akatuma nhume kuzozvidza Mwari mupenyu. Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo, akakandira vamwari vavo mumoto; nokuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo akavaparadza. Naizvozvo zvino, Jehovha, Mwari wedu, tiponesei paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha, iyemi moga.”
Isaya 37:16-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Tenzi, wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, imi mugere pamusoro pamakerubhu. Imi moga ndimi Mwari wenyika dzose dzapasi pano pose. Ndimi makasika denga napasi. Rerekai nzeve yenyu Tenzi munzwe. Zazurai meso enyu Tenzi muone, munzwe mashoko aSenakeribhu aatumira kuzonyomba nawo Mwari mupenyu. Ichokwadi Tenzi kuti madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo. Akapisa vamwari vavo nomoto. Akadaro, hongu, nokuti vakanga vasiri Mwari asi kuti zvaingova zvinhu zvakagadzirwa namaoko avanhu, miti zvayo namatombo. Ndokusaka akazviparadza. Zvino Tenzi, Mwari wedu tinunureiwo mumaoko make, nyika dzose dzapasi pano dzizive kuti imi Tenzi ndimi moga Mwari.”
Isaya 37:16-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa Jehova wehondo, Mŋari waIsraeri, iye ugere pamsoro pamakerubimi! Ndimi Mŋari, imi moga, woʋushe bgose bgenyika, ndimi makaita kuɗeŋga napasi. Rerekerai nzeʋe yenyu, Jehova, munzwe; ȿinudzai meso enyu, Jehova, muʋone; inzwai mashoko ose aSanheribi, wakatuma nhume kuzoɀidza Mŋari mupenyu. Ɀirokwaɀo, Jehova, madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo, akakandira ʋamŋari ʋaʋo mumŋoto; nokuti ʋakaŋga ʋasi ʋamŋari, asi rakaŋga riri ɓasa ramaʋoko aʋanhu, ari matanda namabge; naiɀoɀo akaʋaparadza. Naiɀoɀo ɀino, Jehova, Mŋari weɗu, tiponesei paruʋoko rwake, kuti ʋushe bgose bgenyika ʋuziʋe kuti ndimi Jehova, iyemi moga.
Isaya 37:16-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)